Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 86:1-8

Mapisarema 86:1-8 SNA2002

Rerekai nzeve dzenyu, Jehovha, ndipindurei; Nokuti ndiri murombo nomushaiwi. Chengetai mweya wangu; nokuti ndiri mudikanwi wenyu; Haiwa Mwari wangu, ponesai muranda wenyu anovimba nemi. Ndinzwirei ngoni, Ishe; Nokuti ndinodana kwamuri zuva rose. Fadzai mweya womuranda wenyu; Nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri Ishe wangu. Nokuti imi, Ishe makanaka, munofarira kukanganwira, Mune ngoni zhinji kuna vose vanodana kwamuri. Rerekerai nzeve yenyu, Jehovha kumunyengetero wangu; Teererai izwi rokukumbira kwangu. Pazuva rokutambudzika kwangu ndichadana kwamuri, Nokuti muchandipindura. Hapana akafanana nemi pakati pavamwari, Ishe, Uye hapana mabasa akafanana namabasa enyu.