Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 71:1-16

Nziyo 71:1-16 SCLB

Ndinopotera kwamuri TENZI musaite kuti ndinyadziswe. Sezvamakarurama kudai ndinunureiwo, ndisunungureiwo, rerekerai nzeve yenyu kwandiri mundinunure. Ivai kwandiri bako rokupotera, nhare yakasimba yokundinunura nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu. Ndinunureiwo Mwari wangu kumaoko avanhu vakaipa; kumaoko anombandika omunhu asakarurama anoutsinye. Ndimi chitarisiro changu TENZI, wandinovimba naye kubvira pauduku hwangu TENZI. Ndakatsamira pamuri kubvira pakuberekwa kwangu, ndimi makanditora munhumbu maamai vangu, ndinoramba ndichingokurumbidzai chete. Ndakava chinhu chinokahadzisa kuvazhinji asi imi ndimi botero rangu rakasimba. Kukurumbidzai hakuchabvi pamuromo pangu uye ndichaswera muswere wose ndichikupai mbiri. Musandirase kana ndakwegura musandifuratire kana ndapera simba. Nokuti vavengi vangu vanotaura nezvangu, vanotsvaka zvokundiuraya, vanorangana vachiti, “Mwari wamurasa ngatimurondei timubate, nokuti hapana anomununura.” Mwari regai kuva kure neni; Mwari wangu chimbidzai kuzondibatsira. Vanondipa mhosva ngavanyadziswe vaparadzwe. Ngavazadzwe nokushorwa nokunyadziswa vanotsvaka zvokundirwadzisa. Ndicharamba ndichingotarisira uye ndichakurumbidzai kakawanda. Muromo wangu uchataura nezvamabasa enyu akarurama uye zuva rose nezvokununura kwenyu nokuti handikwanisi kuzviverenga. Ndichauya nesimba raTENZI Mwari kuzoparidza ururami hwenyu, hwenyu imi chete.

Verenga chikamu Nziyo 71