Ndinzwireiwo tsitsi, Mwari nokuti vanhu vanonditsika-tsika nokuti vavengi vangu vanondionesa nhamo zuva rose. Mhandu dzangu dzinonditsika-tsika zuva rose nokuti vanondirwisa vakawanda Wokumusorosoro wee! Wokumusorosoro pandinenge ndavakutya ndinovimba nemi. Ndinovimba naMwari ana mashoko andinorumbidza. Ndinovimba naMwari ndisingatyi. Vanhu vangandiiteiko? Zuva rose vanoisa napasipo zvandinotaura, zvavanofunga ndezvokundikuvadza chete. Vanoungana pamwechete kundivandira vachitarisa mafambiro angu vachigaririra kuti vandiuraye. Naizvozvo varangirei mhosva yavo, Mwari putsirai marudzi pasi. Munoziva kuyaura kwangu. Chingidzirai misodzi yangu muguchu renyu redehwe. Handiti zvakanyorwa mubhuku renyu here? Ipapo vavengi vangu vachadzoserwa shure pazuva randinodanidzira. Izvi ndinozviziva kuti Mwari ari kudivi kwangu. Ndinovimba naMwari ana mashoko andinorumbidza, naTENZI ana mashoko andinorumbidza. Ndinovimba naMwari ndisingatyi. Vanhu vangandiiteiko. Ndinofanira kuita zvakandatsidza kwamuri Mwari. Ndichapira kwamuri mupiro wangu wokutenda. Nokuti makandinunura kurufu uye makumbo angu kuti arege kudzadzarika kuti ndifambe pana Mwari muchiedza choupenyu.
Verenga chikamu Nziyo 56
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 56:1-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo