Mapisarema 56:1-13
Mapisarema 56:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinzwirei tsitsi, Mwari; nokuti vanhu vanotsvaka kundimedza; Zuva rose vanorwa neni vachindimanikidza. Vavengi vangu vanoda kundimedza zuva rose; Nokuti vanorwa neni vachizvikudza vazhinji. Panguva yandinotya, Ndichavimba nemi. MunaMwari ndicharumbidza shoko rake; Ndakavimba naMwari, handingatyi; Nyama ingandiiteiko? Zuva rose vanoshandura mashoko angu; Mifungo yavo yose inondifungira zvakaipa. Vanoungana, vanovanda, Vanocherekedza makwara angu, Kana vachivandira mweya wangu. Vachapukunyuka nenzira yezvakaipa here? Paradzai vanhu nokutsamwa kwenyu, Mwari. Imi munoverenga madzungairiro angu; Isai misodzi yangu mumudziyo yenyu; Haizi murugwaro rwenyu here? Ipapo vavengi vangu vachadzokera shure nomusi wandinodana; Ndinoziva chinhu ichi, kuti Mwari ari kurutivi rwangu. MunaMwari ndicharumbidza shoko rake; MunaJehovha ndicharumbidza shoko rake. Ndakavimba naMwari, handingatyi; Vanhu vangandiiteiko? Ndinosungwa nezvandakakupikirai Mwari; Ndichakuvigirai zvipiriso zvokuvonga nazvo. Nokuti makarwira mweya wangu parufu; Namakumbo angu pakugumburwa. Kuti ndifambe pamberi paMwari Muchiedza choupenyu.
Mapisarema 56:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, nokuti vanhu vanondidzinganisa nehasha; zuva rose vanorwa neni. Vavengi vangu vanondidzinganisa zuva rose; vazhinji vanorwa neni mukuzvikudza kwavo. Pandinenge ndotya, ndichavimba nemi. Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Mwari ndinovimba; handichazotyi. Ko, munhu anofa angandiitei? Zuva rose vanomonyorora mashoko angu; vanogara vachirangana kundikuvadza. Vanorangana, vanovandira, vanocherechedza mafambiro angu, vachishuva kundiuraya. Ngavasapunyuka savasina mhaka; koromorerai ndudzi pasi mukutsamwa kwenyu imi Mwari. Nyorai kuchema kwangu; isai misodzi yangu parugwaro rwenyu, ko, hazvina kuiswa muzvinyorwa zvenyu here? Ipapo vavengi vangu vachadzokera shure pandinodanidzira kuti ndibatsirwe. Nechinhu ichi, ndichaziva kuti Mwari ari kurutivi rwangu. Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Jehovha, ane shoko randinorumbidza, muna Mwari ndinovimba; handichazotyi chinhu. Ko, munhu angandiitei? Ndinosungwa nemhiko kwamuri, imi Mwari; ndichakuvigirai zvipo zvangu zvokuvonga. Nokuti makandirwira parufu, uye netsoka dzangu pakugumburwa, kuti ndifambe pamberi penyu muchiedza choupenyu.
Mapisarema 56:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinzwireiwo tsitsi, Mwari nokuti vanhu vanonditsika-tsika nokuti vavengi vangu vanondionesa nhamo zuva rose. Mhandu dzangu dzinonditsika-tsika zuva rose nokuti vanondirwisa vakawanda Wokumusorosoro wee! Wokumusorosoro pandinenge ndavakutya ndinovimba nemi. Ndinovimba naMwari ana mashoko andinorumbidza. Ndinovimba naMwari ndisingatyi. Vanhu vangandiiteiko? Zuva rose vanoisa napasipo zvandinotaura, zvavanofunga ndezvokundikuvadza chete. Vanoungana pamwechete kundivandira vachitarisa mafambiro angu vachigaririra kuti vandiuraye. Naizvozvo varangirei mhosva yavo, Mwari putsirai marudzi pasi. Munoziva kuyaura kwangu. Chingidzirai misodzi yangu muguchu renyu redehwe. Handiti zvakanyorwa mubhuku renyu here? Ipapo vavengi vangu vachadzoserwa shure pazuva randinodanidzira. Izvi ndinozviziva kuti Mwari ari kudivi kwangu. Ndinovimba naMwari ana mashoko andinorumbidza, naTENZI ana mashoko andinorumbidza. Ndinovimba naMwari ndisingatyi. Vanhu vangandiiteiko. Ndinofanira kuita zvakandatsidza kwamuri Mwari. Ndichapira kwamuri mupiro wangu wokutenda. Nokuti makandinunura kurufu uye makumbo angu kuti arege kudzadzarika kuti ndifambe pana Mwari muchiedza choupenyu.
Mapisarema 56:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinzwirei tsitsi, Mŋari; nokuti ʋanhu ʋanotȿaka kundimedza; Zuʋa rose ʋanorwa neni ʋacindimanikidza. Ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋanoɗa kundimedza zuʋa rose; Nokuti ʋanorwa neni ʋaciɀikudza ʋazhinji. Paŋguʋa yandinotya, Ndicaʋimba nemi. MunaMŋari ndicarumbidza shoko rake; Ndakaʋimba naMŋari, handiŋgatyi; Nyama iŋgandiiteiko? Zuʋa rose ʋanoshandura mashoko aŋgu; Mifuŋgo yaʋo yose inondifuŋgira ɀakaipa. Ʋanoʋuŋgana, ʋanoʋanda, Ʋanocerekedza makwara aŋgu, Kana ʋaciʋandira mŋeya waŋgu. Ʋacapukunyuka nenzira yeɀakaipa here? Paradzai ʋanhu nokutsamŋa kwenyu, Mŋari. Imi munoʋereŋga madzuŋgairire aŋgu; Isai misodzi yaŋgu mumudziyo wenyu; Haizi murugwaro rwenyu here? Ipapo ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋacadzokera shure nomusi wandinoɗana; Ndinoziʋa cinhu ici, kuti Mŋari uri kurutiʋi rwaŋgu. MunaMŋari ndicarumbidza shoko rake; MunaJehova ndicarumbidza shoko rake. Ndakaʋimba naMŋari, handiŋgatyi; Ʋanhu ʋaŋgandiiteiko? Ndinosuŋgwa neɀandakakupikirai Mŋari; Ndicakuʋigirai ɀipiriso ɀokuʋoŋga naɀo. Nokuti makarwira mŋeya waŋgu parufu; Namakumbo aŋgu pakugumburwa. Kuti ndifambe pamberi paMŋari Muciedza coʋupenyu.
Mapisarema 56:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)