Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 56

56
Davidi unocema nokuɗa kwaʋaʋeŋgi ʋake.
Kumutuŋgamiri wokuimba; nomuimbirwe weNjiʋa iri mumiouki iri kure. Pisarema raDavidi; rwiyo rweMiktami; paŋguʋa yaakaɓatwa naʋaFiristia paGati.
1Ndinzwirei tsitsi, Mŋari; nokuti ʋanhu ʋanotȿaka kundimedza;
Zuʋa rose ʋanorwa neni ʋacindimanikidza.
2Ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋanoɗa kundimedza zuʋa rose;
Nokuti ʋanorwa neni ʋaciɀikudza ʋazhinji.
3Paŋguʋa yandinotya,
Ndicaʋimba nemi.
4MunaMŋari ndicarumbidza shoko rake;
Ndakaʋimba naMŋari, handiŋgatyi;
Nyama iŋgandiiteiko?
5Zuʋa rose ʋanoshandura mashoko aŋgu;
Mifuŋgo yaʋo yose inondifuŋgira ɀakaipa.
6Ʋanoʋuŋgana, ʋanoʋanda,
Ʋanocerekedza makwara aŋgu,
Kana ʋaciʋandira mŋeya waŋgu.
7Ʋacapukunyuka nenzira yeɀakaipa here?
Paradzai ʋanhu nokutsamŋa kwenyu, Mŋari.
8Imi munoʋereŋga madzuŋgairire aŋgu;
Isai misodzi yaŋgu mumudziyo wenyu;
Haizi murugwaro rwenyu here?
9Ipapo ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋacadzokera shure nomusi wandinoɗana;
Ndinoziʋa cinhu ici, kuti Mŋari uri kurutiʋi rwaŋgu.
10MunaMŋari ndicarumbidza shoko rake;
MunaJehova ndicarumbidza shoko rake.
11Ndakaʋimba naMŋari, handiŋgatyi;
Ʋanhu ʋaŋgandiiteiko?
12Ndinosuŋgwa neɀandakakupikirai Mŋari;
Ndicakuʋigirai ɀipiriso ɀokuʋoŋga naɀo.
13Nokuti makarwira mŋeya waŋgu parufu;
Namakumbo aŋgu pakugumburwa.
Kuti ndifambe pamberi paMŋari
Muciedza coʋupenyu.

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 56: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda