Inzwaiwo munamato wangu, Mwari; musavande chikumbiro changu. Nditeererei mundipindurewo, nhamo yangu yandiomera. Ndadumbirwa ini noruzha rwavavengi pamusana poudzvinyiriri hwavakaipa vanondiunzira nhamo. Vanoita daka neni zvine hasha. Ndinoshunguridzika mwoyo mukati mangu, ndawirwa nokutya rufu. Kutya nokudedera zvauya pandiri. Ndabatwa nokutya kwakanyanya. Nezvo ndinoti dai zvangu ndiina mapapiro senjiva, ndaibhururuka ndikandozorora. Ndaibhururukira kure ndichindogara kurenje. Dzepfunde Ndaikurumidza kundozvitsvagira pokuvanda mhepo inovhuvhuta nesimba nedutu guru. TENZI paradzanisai mupesanise ndimi dzavo nokuti ndinoona utsinye nokurwisana muguta. Siku nesikati vanoritenderera napamusoro pemasvingo aro. Unhunzvatunzva nokunetsa zvirimo. Mune kuparadza mukati maro; uye udzvinyiriri nounyengedzi hazvibvi pamusika pavo. Dai kuri kuti muvengi anondisokosa, ndaitirira zvangu. Dai kuri kuti imhandu inondisora, ndaikwanisa kuivanda. Asi kuti ndiwe wezera neni, mumwe wangu shamwari yangu chaiyo. Taimbokurukurirana zvakanaka kwazvo. Tichifamba tose noushamwari mumba yaMwari. Ngavaerekane vaparara vaende kunzvimbo yavakafa vari vapenyu kudaro nokuti uipi huri mavanogara, huri pakati pavo. Asi ini ndinochema kuna Mwari, TENZI achandinunura. Manheru namangwanani uye masikati, ndinoisa chichemo changu ndichidemba; iye achanzwa izwi rangu. Achandinunura norugare pahondo yandiri kurwisa nokuti vanondirwisa vakawanda. Mwari achanzwa zvake agovaninipisa, iye ari pachigaro choushe kubvira pasi chigare nokuti havasanduki uye havatyi Mwari. Dzepfunde Mumwe wangu akarwisana neshamwari dzake; akatyora chitenderano chake, kutaura kwake kwakanga kwakapfavirira kupinda dovi asi mumwoyo make iri hondo chaiyo. Mazwi ake akanga akapfava kupinda mafuta asi ari mapakatwa akazvomorwa. Turira mutoro wako kuna TENZI iye achaita kuti urambe wakagwinya. Haambobvumira kuti vakarurama vazunguzwe. Asi imi Mwari dzikandei mugomba rapasi pasi mhondi idzodzi, vanhu voujarijari vasati vambosvika pakati napakati poupenyu hwavo. Asi ini ndichavimba nemi.
Verenga chikamu Nziyo 55
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 55:1-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo