Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 55:1-23

Mapisarema 55:1-23 SNA2002

Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, Mwari; Regai kuzvivanza pakukumbira kwangu. Nditeererei, mundipindure; Ndinoshaiwa zororo mukuchema kwangu, ndichiuura; Nokuda kwezwi romuvengi, Nokuda kwokumanikidza kwoakaipa; Nokuti vanondipomera zvakaipa, Vanonditambudza nokutsamwa kwavo. Mwoyo wangu unorwadziwa kwazvo mukati mangu; Garudzo rorufu rakandiwira, Kutya nokubvunda zvakandiwira. Kutya kukuru kwakandifukidza. Ini ndakati, “Haiwa, dai ndaiva namapapiro senjiva! Ndaibhururuka, ndikandozorora. Tarirai, ndingadai ndaitizira kure, Ndaindogara kurenje. Ndaikurumidza kundovanda, Nditize mhepo inovhuvhuta nedutu guru.” Paradzai, Ishe mukanganise marimi avo; Nokuti ndakaona kumanikidza nokurwa muguta. Masikati nohusiku vanoripoteredza pamasvingo aro; Zvakaipawo nezvakashata zviri mukati maro. Kushata kuri pakati paro; Kumanikidza nokunyengera hazvibvi panzira dzaro. Nokuti akanga asi muvengi akandishora; Ipapo ndaigona kutsunga; Akanga asi iye aindivenga akazvikudza kwandiri; Ipapo ndaimuvanda. Asi wakanga uriwe, munhu wakaenzana neni, Shamwari yangu, nomuzikani wangu. Taisirangana zvakanaka, Taifamba mumba maMwari pamwechete navanhu vazhinji. Rufu ngaruvawire kamwe-kamwe, Ngavaburikire kuSheori vari vapenyu; Nokuti kushata kuri paugaro hwavo, imo mukati mavo. Kana ndirini, ndichadana kuna Mwari; Jehovha achandiponesa. Madekwana namangwanani namasikati ndichachema ndichiuura; Iye achanzwa izwi rangu. Wakadzikinura mweya wangu norugare, kukasava nomumwe akaswedera kwandiri; Nokuti vakanga vachirwa neni, vaiva vazhinji. Mwari achanzwa, achavapindura, Iye aripo kare nakare, Nokuti havashanduki, Havatyi Mwari. Wakatambanudzira maoko ake kuna vaiva norugare naye; Wakashora sungano yake. Mashoko omuromo wake akatedza samafuta, Asi kurwa kwakanga kuri pamwoyo pake; Mashoko ake akanga ari manyoro kupfuura mafuta, Kunyange zvakadaro yaiva minondo yakavhomorwa. Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye achakusimbisa; Haangatongotenderi akarurama kuti azununguswe. Asi imi Mwari muchavaburusira kugomba rokuparadzwa; Vanhu vanokarira ropa navanonyengera havangapedzi hafu yamazuva avo; Asi ini ndichavimba nemi.