Rerekerai nzeve yenyu
kumunyengetero wangu, Mwari;
Regai kuzvivanza pakukumbira kwangu.
Nditeererei, mundipindure;
Ndinoshaiwa zororo mukuchema kwangu, ndichiuura;
Nokuda kwezwi romuvengi,
Nokuda kwokumanikidza kwoakaipa;
Nokuti vanondipomera zvakaipa,
Vanonditambudza nokutsamwa kwavo.
Mwoyo wangu unorwadziwa kwazvo mukati mangu;
Garudzo rorufu rakandiwira,
Kutya nokubvunda zvakandiwira.
Kutya kukuru kwakandifukidza.
Ini ndakati, “Haiwa, dai ndaiva namapapiro senjiva!
Ndaibhururuka, ndikandozorora.
Tarirai, ndingadai ndaitizira kure,
Ndaindogara kurenje.
Ndaikurumidza kundovanda,
Nditize mhepo inovhuvhuta nedutu guru.”
Paradzai, Ishe mukanganise marimi avo;
Nokuti ndakaona kumanikidza nokurwa muguta.
Masikati nohusiku vanoripoteredza pamasvingo aro;
Zvakaipawo nezvakashata zviri mukati maro.
Kushata kuri pakati paro;
Kumanikidza nokunyengera hazvibvi
panzira dzaro.
Nokuti akanga asi muvengi akandishora;
Ipapo ndaigona kutsunga;
Akanga asi iye aindivenga akazvikudza kwandiri;
Ipapo ndaimuvanda.
Asi wakanga uriwe, munhu wakaenzana neni,
Shamwari yangu, nomuzikani wangu.
Taisirangana zvakanaka,
Taifamba mumba maMwari pamwechete
navanhu vazhinji.
Rufu ngaruvawire kamwe-kamwe,
Ngavaburikire kuSheori vari vapenyu;
Nokuti kushata kuri paugaro hwavo,
imo mukati mavo.
Kana ndirini, ndichadana kuna Mwari;
Jehovha achandiponesa.
Madekwana namangwanani namasikati
ndichachema ndichiuura;
Iye achanzwa izwi rangu.
Wakadzikinura mweya wangu norugare,
kukasava nomumwe akaswedera kwandiri;
Nokuti vakanga vachirwa neni, vaiva vazhinji.
Mwari achanzwa, achavapindura,
Iye aripo kare nakare,
Nokuti havashanduki,
Havatyi Mwari.
Wakatambanudzira maoko ake
kuna vaiva norugare naye;
Wakashora sungano yake.
Mashoko omuromo wake akatedza samafuta,
Asi kurwa kwakanga kuri pamwoyo pake;
Mashoko ake akanga ari manyoro
kupfuura mafuta,
Kunyange zvakadaro yaiva minondo yakavhomorwa.
Kandira mutoro wako pamusoro
paJehovha, iye achakusimbisa;
Haangatongotenderi akarurama
kuti azununguswe.
Asi imi Mwari muchavaburusira
kugomba rokuparadzwa;
Vanhu vanokarira ropa
navanonyengera havangapedzi hafu yamazuva avo;
Asi ini ndichavimba nemi.