Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 50:1-23

Nziyo 50:1-23 SCLB

Iye Samasimbaose TENZI Mwari anotaura, anodaidzira pasi pose kubvira kumabvazuva kusvikira kumadokero. Mwari anopenya ari mugomo reZioni, gomo rakanakisisa kwazvo. Mwari wedu anouya haanyarari. Pamberi pake pane moto unoririmisa akatenderedzwa nedutu remhepo. Anokoka matenga kusoro nenyika kuti atonge vanhu vake. “Ndiunganidzirei vakazvipira kwandiri vakaita chitenderano nechibayiro neni.” Matenga anotaura nezvoururami hwake nokuti iye Mwari ndiye mutongi. Dzepfunde “Teererai munzwe imi vanhu vangu ini ndichataura imi vaIsiraeri ndichakupai mhosva ndini Mwari, Mwari wenyu. Handikutsiurirei zvibayiro zvenyu, mipiro yenyu yokupisa inogara iri pamberi pangu. Handichagamuchiri handira kubva kumba yenyu kana chikotora mudanga renyu nokuti mhuka yose zvayo yesango ndeyangu kana idzo mombe mumakomo akazanirana. Shiri dzose dzomumakomo ndinodziziva uye zvose zvinofamba musango ndezvangu. Dai kuri kuti ndaita nzara, handaiudza iwe nokuti pasi pose nazvose zviripo ndezvangu. Ko ini ndinodya nyama yehandira here kana kunwa ropa rembudzi here? Kutenda kwako ngakuve chibayiro chako uite zvawakatsidza kuita kunoWokumusorosoro. Pakadaro daidzira kwandiri pazuva renhamo ndichakununura ukatozondirumbidza.” Kune wakaipa Mwari anoti, “Unodetemberei mitemo yangu, kana kutaura pamuromo pako chitenderano changu? Zvokudzorwa haudi uye unofuratira mazwi angu. Ukaona mbavha unobva waita ushamwari nayo uye unoita usahwira nemhombwe. Unotopa muromo wako manyemwe okutaura zvakaipa. Rurimi rwako runoronga unyengedzi Unogara pasi uchitaura zvakaipa nezvemukoma kana munun'una wako uchinyeya mwana wamai vako chaiye. Wakaita izvi, asi inindikanyarara zvangu, wakafungaka iwe kuti ndakafanana newe; zvino ndinokutsiura ndichikupa mhosva. Nzwisisai izvi, imi munokanganwa Mwari ndingadaro ndikabvarura munhu pagoshaya anonunura. Chibayiro chokutenda chinondiremekedza uye munhu anogadziridza upenyu hwake ndichamuratidza ruponeso rwaMwari.”

Verenga chikamu Nziyo 50