Mapisarema 50:1-23
Mapisarema 50:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Iye Samasimbaose TENZI Mwari anotaura, anodaidzira pasi pose kubvira kumabvazuva kusvikira kumadokero. Mwari anopenya ari mugomo reZioni, gomo rakanakisisa kwazvo. Mwari wedu anouya haanyarari. Pamberi pake pane moto unoririmisa akatenderedzwa nedutu remhepo. Anokoka matenga kusoro nenyika kuti atonge vanhu vake. “Ndiunganidzirei vakazvipira kwandiri vakaita chitenderano nechibayiro neni.” Matenga anotaura nezvoururami hwake nokuti iye Mwari ndiye mutongi. Dzepfunde “Teererai munzwe imi vanhu vangu ini ndichataura imi vaIsiraeri ndichakupai mhosva ndini Mwari, Mwari wenyu. Handikutsiurirei zvibayiro zvenyu, mipiro yenyu yokupisa inogara iri pamberi pangu. Handichagamuchiri handira kubva kumba yenyu kana chikotora mudanga renyu nokuti mhuka yose zvayo yesango ndeyangu kana idzo mombe mumakomo akazanirana. Shiri dzose dzomumakomo ndinodziziva uye zvose zvinofamba musango ndezvangu. Dai kuri kuti ndaita nzara, handaiudza iwe nokuti pasi pose nazvose zviripo ndezvangu. Ko ini ndinodya nyama yehandira here kana kunwa ropa rembudzi here? Kutenda kwako ngakuve chibayiro chako uite zvawakatsidza kuita kunoWokumusorosoro. Pakadaro daidzira kwandiri pazuva renhamo ndichakununura ukatozondirumbidza.” Kune wakaipa Mwari anoti, “Unodetemberei mitemo yangu, kana kutaura pamuromo pako chitenderano changu? Zvokudzorwa haudi uye unofuratira mazwi angu. Ukaona mbavha unobva waita ushamwari nayo uye unoita usahwira nemhombwe. Unotopa muromo wako manyemwe okutaura zvakaipa. Rurimi rwako runoronga unyengedzi Unogara pasi uchitaura zvakaipa nezvemukoma kana munun'una wako uchinyeya mwana wamai vako chaiye. Wakaita izvi, asi inindikanyarara zvangu, wakafungaka iwe kuti ndakafanana newe; zvino ndinokutsiura ndichikupa mhosva. Nzwisisai izvi, imi munokanganwa Mwari ndingadaro ndikabvarura munhu pagoshaya anonunura. Chibayiro chokutenda chinondiremekedza uye munhu anogadziridza upenyu hwake ndichamuratidza ruponeso rwaMwari.”
Mapisarema 50:1-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iye Wamasimba, Mwari, Jehovha, anotaura uye anodana nyika kubva pakubuda kwezuva kusvikira kwarinovirira. Kubva kuZioni, rakakwana parunako, Mwari anopenya. Mwari wedu anouya uye haanganyarari; moto unoparadza pamberi pake, uye dutu rine hasha rakamupoteredza. Anodana matenga kumusoro, uye nenyika, kuti atonge vanhu vake achiti: “Ndiunganidzirei vatsvene vangu, vakaita sungano neni nechibayiro.” Uye matenga anoparidza kururama kwake, nokuti Mwari amene ndiye mutongi. Sera “Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichataura, imi Israeri, uye ndichapupura pamusoro penyu: Ndini Mwari, Mwari wenyu. Handikutukei nokuda kwezvibayiro zvenyu, kana zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvinogara zviri pamberi pangu. Handisi kuda hando inobva mudanga rako, kana mbudzi inobva muzvirugu zvako, nokuti mhuka dzose dzesango ndedzangu, nemombe pamakomo chiuru. Ndinoziva shiri dzose dziri mumakomo, uye zvisikwa zvose zvesango ndezvangu. Kana dai ndaiva nenzara, handaikuudza iwe, nokuti nyika ndeyangu, nezvose zviri mairi. Ko, ndinodya nyama yehando kana kunwa ropa rembudzi here? “Bayirai zvibayiro zvokuvonga kuna Mwari, zadzisai zvamakapikira Wokumusoro-soro, uye mudane kwandiri pazuva rokutambudzika; ndichakurwirai, uye imi muchandikudza.” Asi kuna vakaipa, Mwari anoti: “Ko, une mvumo ipiko iwe yokuti ududzire mutemo wangu, kana kuisa sungano yangu pamiromo yako? Unovenga kurayira kwangu, uye unorasira mashoko angu shure kwako. Paunoona mbavha, unowadzana nayo; unogoverana nemhombwe mugove wako. Unoshandisa muromo wako kuita zvakaipa, uye unorovedza rurimi rwako kukunyengera. Unogara uchipomera hama yako uye unoitira mwanakomana wamai vako makuhwa. Zvinhu izvi wakazviita ini ndikaramba ndinyerere; wakafunga kuti ndakafanana newe. Asi ndichakutsiura uye ndichaisa mhosva iyi pamberi pako. “Fungai izvi, imi vanokanganwa Mwari, kuti ndirege kukubvambura-bvamburai mukashaya angakununurai: Munhu anobayira chibayiro chokuvonga ndiye anondikudza, uye anogadzira nzira kuitira kuti ndimuratidze ruponeso rwaMwari.”
Mapisarema 50:1-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari, iye Mwari, Jehovha, ndiye akataura, Akadana pasi pose kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro. Mwari akapenya Ari paZioni, iro rakanaka-naka kwazvo. Mwari wedu anouya, haangarambi anyerere; Moto unoparadza pamberi pake, Dutu guru rinomukomberedza. Anodana denga kumusoro, Napasi, kuti atongere vanhu vake; Unganidzirai vatsvene vangu kwandiri; Ivo vakaita sungano neni nezvibayiro. Kudenga-denga kunodudzira kururama kwake; Nokuti Mwari ndiye mutongi amene. “Inzwai vanhu vangu, ndichataura; Imi Isiraeri, ndichakupupurirai, Ndini Mwari, iye Mwari wenyu. Handingakutukiyi pamusoro pezvibayiro zvenyu; Zvipiriso zvenyu zvinopiswa zviri pamberi pangu nguva dzose. Handingatori nzombe paimba yako, Kana nhongo dzembudzi pazvirugu zvako. Nokuti mhuka dzose, dziri kudondo, ndedzangu, Nemombe pamakomo ane chiuru chamazana. Ndinoziva shiri dzose dzomumakomo; Mhuka dzose, dziri musango, ndedzangu. Kana ndaiva nenzara, handizaikuudza iwe; Nokuti nyika ndeyangu, nezvaizere nazvo. Ko ndingadya nyama yehando, Kana kunwa ropa rembudzi here? Bayirai Mwari zvibayiro zvokuvonga; Uripire Wokumusorosoro mhiko dzako; Udane kwandiri pazuva rokutambudzika; Ini ndichakurwira, iwe ugondirumbidza.” Asi kuneakaipa Jehovha anoti, “Iwe ungadudzira seiko zvandakatema, Nokureva sungano yangu nomuromo wako? Zvaunovenga kurairwa, Nokurasha mashoko angu shure kwako. Wakati uchiona mbavha, ukafarirana nayo, Unoshamwaridzana nemhombwe. Unotendera muromo wako kureva zvakaipa, Rurimi rwako runotaura nhema. Unogara uchipomera hama yako; Unoita makuhwa pamusoro pomwanakomana wamai vako. Zvinhu izvi wakazviita, ndikaramba ndinyerere; Wakafunga kuti ini ndakafanana newe chose; Asi ndichakuraira, ndichirongedzera zvinhu izvi pameso ako. Zvino fungai chinhu ichi, imi vokukanganwa Mwari, Ndirege kukubvamburai, mukashaiwa murwiri, Munhu, anobayira chibayiro chokuvonga, unondikudza; Uye anogadzira nzira yake zvakanaka Ndichamuratidza kuponesa kwaMwari.”
Mapisarema 50:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Iye Samasimbaose TENZI Mwari anotaura, anodaidzira pasi pose kubvira kumabvazuva kusvikira kumadokero. Mwari anopenya ari mugomo reZioni, gomo rakanakisisa kwazvo. Mwari wedu anouya haanyarari. Pamberi pake pane moto unoririmisa akatenderedzwa nedutu remhepo. Anokoka matenga kusoro nenyika kuti atonge vanhu vake. “Ndiunganidzirei vakazvipira kwandiri vakaita chitenderano nechibayiro neni.” Matenga anotaura nezvoururami hwake nokuti iye Mwari ndiye mutongi. Dzepfunde “Teererai munzwe imi vanhu vangu ini ndichataura imi vaIsiraeri ndichakupai mhosva ndini Mwari, Mwari wenyu. Handikutsiurirei zvibayiro zvenyu, mipiro yenyu yokupisa inogara iri pamberi pangu. Handichagamuchiri handira kubva kumba yenyu kana chikotora mudanga renyu nokuti mhuka yose zvayo yesango ndeyangu kana idzo mombe mumakomo akazanirana. Shiri dzose dzomumakomo ndinodziziva uye zvose zvinofamba musango ndezvangu. Dai kuri kuti ndaita nzara, handaiudza iwe nokuti pasi pose nazvose zviripo ndezvangu. Ko ini ndinodya nyama yehandira here kana kunwa ropa rembudzi here? Kutenda kwako ngakuve chibayiro chako uite zvawakatsidza kuita kunoWokumusorosoro. Pakadaro daidzira kwandiri pazuva renhamo ndichakununura ukatozondirumbidza.” Kune wakaipa Mwari anoti, “Unodetemberei mitemo yangu, kana kutaura pamuromo pako chitenderano changu? Zvokudzorwa haudi uye unofuratira mazwi angu. Ukaona mbavha unobva waita ushamwari nayo uye unoita usahwira nemhombwe. Unotopa muromo wako manyemwe okutaura zvakaipa. Rurimi rwako runoronga unyengedzi Unogara pasi uchitaura zvakaipa nezvemukoma kana munun'una wako uchinyeya mwana wamai vako chaiye. Wakaita izvi, asi inindikanyarara zvangu, wakafungaka iwe kuti ndakafanana newe; zvino ndinokutsiura ndichikupa mhosva. Nzwisisai izvi, imi munokanganwa Mwari ndingadaro ndikabvarura munhu pagoshaya anonunura. Chibayiro chokutenda chinondiremekedza uye munhu anogadziridza upenyu hwake ndichamuratidza ruponeso rwaMwari.”
Mapisarema 50:1-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari, iye Mŋari, Jehova, ndiye wakataura, Akaɗana pasi pose kubva pakuɓuɗa kwezuʋa kuȿikira pakuʋira kwaro. Mŋari wakapenya Ari paZioni, iro rakanaka‐naka kwaɀo. Mŋari weɗu unoʋuya, haaŋgarambi anyerere; Mŋoto unoparadza pamberi pake, Ƌutu guru rinomukomberedza. Unoɗana ɗeŋga kumsoro, Napasi, kuti atoŋgere ʋanhu ʋake; Ʋuŋganidzirai ʋatȿene ʋaŋgu kwandiri; Iʋo ʋakaita suŋgano neni neɀiɓayiro. Kuɗeŋga‐ɗeŋga kunoɗudzira kururama kwake; Nokuti Mŋari ndiye mutoŋgi amene. Inzwai ʋanhu ʋaŋgu, ndicataura; Imi Israeri, ndicakupupurirai: Ndini Mŋari, iye Mŋari wenyu. Handiŋgakutukiyi pamsoro peɀiɓayiro ɀenyu; Ɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa ɀiri pamberi paŋgu ŋguʋa dzose. Handiŋgatori nzombe paimba yako, Kana nhoŋgo dzembudzi paɀirugu ɀako. Nokuti mhuka dzose, dziri kuɗondo, ndedzaŋgu, Neŋombe pamakomo anecuru camazana. Ndinoziʋa shiri dzose dzomumakomo; Mhuka dzose, dziri musaŋgo, ndedzaŋgu. Kana ndaiʋa nenzara, handizaikuʋudza iwe; Nokuti nyika ndeyaŋgu, neɀaizere naɀo. Ko ndiŋgadya nyama yehando, Kana kunwa ropa rembudzi here? Ƃayirai Mŋari ɀiɓayiro ɀokuʋoŋga; Uripire Wokumsoro‐soro mhiko dzako; Uɗane kwandiri pazuʋa rokutambudzika; Ini ndicakurwira, iwe ugondirumbidza. Asi kunowakaipa Jehova unoti: Iwe uŋgaɗudzira seiko ɀandakatema, Nokureʋa suŋgano yaŋgu nomuromo wako? Ɀaunoʋeŋga kurairwa, Nokurasha mashoko aŋgu shure kwako. Wakati uciʋona mbava, ukafarirana nayo, Unoshamŋaridzana nemhombge. Unotendera muromo wako kureʋa ɀakaipa, Rurimi rwako runotaura nhema. Unogara ucipomera hama yako; Unoita makuhwa pamsoro pomŋanakomana wamai ʋako. Ɀinhu iɀi wakaɀiita, ndikaramba ndinyerere; Wakafuŋga kuti ini ndakafanana newe cose; Asi ndicakuraira, ndiciroŋgedzera ɀinhu iɀi pameso ako. Ɀino fuŋgai cinhu ici, imi ʋokukaŋganwa Mŋari, Ndirege kukubvamburai, mukashaiwa murwiri: Munhu, unoɓayira ciɓayiro cokuʋoŋga, unondikudza; Ʋuye unogadzira nzira yake ɀakanaka Ndicamuratidza kuponesa kwaMŋari.