Mŋari, iye Mŋari, Jehova, ndiye wakataura,
Akaɗana pasi pose kubva pakuɓuɗa kwezuʋa kuȿikira pakuʋira kwaro.
Mŋari wakapenya
Ari paZioni, iro rakanaka‐naka kwaɀo.
Mŋari weɗu unoʋuya, haaŋgarambi anyerere;
Mŋoto unoparadza pamberi pake,
Ƌutu guru rinomukomberedza.
Unoɗana ɗeŋga kumsoro,
Napasi, kuti atoŋgere ʋanhu ʋake;
Ʋuŋganidzirai ʋatȿene ʋaŋgu kwandiri;
Iʋo ʋakaita suŋgano neni neɀiɓayiro.
Kuɗeŋga‐ɗeŋga kunoɗudzira kururama kwake;
Nokuti Mŋari ndiye mutoŋgi amene.
Inzwai ʋanhu ʋaŋgu, ndicataura;
Imi Israeri, ndicakupupurirai:
Ndini Mŋari, iye Mŋari wenyu.
Handiŋgakutukiyi pamsoro peɀiɓayiro ɀenyu;
Ɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa ɀiri pamberi paŋgu ŋguʋa dzose.
Handiŋgatori nzombe paimba yako,
Kana nhoŋgo dzembudzi paɀirugu ɀako.
Nokuti mhuka dzose, dziri kuɗondo, ndedzaŋgu,
Neŋombe pamakomo anecuru camazana.
Ndinoziʋa shiri dzose dzomumakomo;
Mhuka dzose, dziri musaŋgo, ndedzaŋgu.
Kana ndaiʋa nenzara, handizaikuʋudza iwe;
Nokuti nyika ndeyaŋgu, neɀaizere naɀo.
Ko ndiŋgadya nyama yehando,
Kana kunwa ropa rembudzi here?
Ƃayirai Mŋari ɀiɓayiro ɀokuʋoŋga;
Uripire Wokumsoro‐soro mhiko dzako;
Uɗane kwandiri pazuʋa rokutambudzika;
Ini ndicakurwira, iwe ugondirumbidza.
Asi kunowakaipa Jehova unoti:
Iwe uŋgaɗudzira seiko ɀandakatema,
Nokureʋa suŋgano yaŋgu nomuromo wako?
Ɀaunoʋeŋga kurairwa,
Nokurasha mashoko aŋgu shure kwako.
Wakati uciʋona mbava, ukafarirana nayo,
Unoshamŋaridzana nemhombge.
Unotendera muromo wako kureʋa ɀakaipa,
Rurimi rwako runotaura nhema.
Unogara ucipomera hama yako;
Unoita makuhwa pamsoro pomŋanakomana wamai ʋako.
Ɀinhu iɀi wakaɀiita, ndikaramba ndinyerere;
Wakafuŋga kuti ini ndakafanana newe cose;
Asi ndicakuraira, ndiciroŋgedzera ɀinhu iɀi pameso ako.
Ɀino fuŋgai cinhu ici, imi ʋokukaŋganwa Mŋari,
Ndirege kukubvamburai, mukashaiwa murwiri:
Munhu, unoɓayira ciɓayiro cokuʋoŋga, unondikudza;
Ʋuye unogadzira nzira yake ɀakanaka
Ndicamuratidza kuponesa kwaMŋari.