Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 44:9-26

Nziyo 44:9-26 SCLB

Asi zvino makatirasa mukatinyadzisa uye hamuna kutsigirana nehondo dzedu. Mukaita kuti titize vavengi vedu mhandu dzedu dzikatowana zvadzo zvokupamba. Makatiita sehwai dzokubaya mukatimwararisa mukati memarudzi. Makatengesa vanhu venyu nomutengo usina maturo asi chamakabura ipapo hapana. Makatishoresa navavakidzani vedu tikave chiseko nechinhu chinonyombwa navakatipoteredza. Tatove tsumo pakati pevechirudzi. Mukati mavanhu, tinotodzungudzirwa musoro. Zuva rose ndinoswera ndichinyara ndadonha uso nokunyara namashoko okunyomba nokushora pamberi pomuvengi nomutsividzi. Zvose izvi zvakatiwira asi isu tisina kukukanganwai kana kusatendeka kuchitenderano chenyu. Mwoyo yedu haina kufuratira uye tsoka dzedu hadzina kutsauka pagwara renyu. Asi imi makatipwanya panzvimbo inogara makava, mukatifukidza nerima rakati kwirindindi. Dai kuri kuti takakanganwa zita raMwari wedu kana kusimudzira maoko edu kuna Mwari asiri iye, iye Mwari angadai asina kuzviona here? Nokuti anoziva wani zviri mumwoyo zvakavandika. Inga tinouraiwa zuva rose tichitorwa sehwai dzokubaya. Mukai TENZI, munokotsirireiko? Mukai musatirase zvachose. Munozvivanzirei uso? Munokanganwirei nhamo nokushushwa kwatinoitwa. Tazvambarara muguruva, tachiti kwati kwati pasi. Simukai muuye kuzotibatsira. Tinunureiwo nokuda kwomwoyochena wenyu.

Verenga chikamu Nziyo 44