Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 44:9-26

Mapisarema 44:9-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Asi zvino matiramba uye matininipisa; hamuchabudi nehondo dzedu. Makaita kuti tidududze pamberi pavavengi vedu, uye vadzivisi vedu vakatipamba. Makatiramwira kumudyi samakwai uye makatiparadzira pakati pendudzi. Makatengesa vanhu venyu pasina, hamuna kuwana kana chinhu pakuvatengesa. Makatiita chiseko kuvavakidzani vedu, chinozvidzwa nechinosekwa chaavo vakatipoteredza. Makatiita tsumo pakati pendudzi; vanhu vanotidzungudzira misoro. Kunyadziswa kwangu kuri pamberi pangu zuva rose, uye chiso changu chafukidzwa nenyadzi pakuseka kwaavo vanondizvidza nokundirwisa, nokuda kwomuvengi, agarira kutsiva. Zvose izvi zvakaitika kwatiri kunyange takanga tisina kukukanganwai, kana kuva vasina kutendeka kusungano yenyu. Mwoyo yedu yakanga isati yafuratira; tsoka dzedu dzakanga dzisati dzatsauka panzira yenyu. Asi makatipwanya mukatiita nzvimbo yamakava uye mukatifukidza nerima guru. Dai takanga takanganwa zita raMwari wedu, kana kutambanudzira maoko edu kuna mwari wavatorwa, Mwari haaizviziva here, sezvo achiziva zvakavanzika zvomwoyo? Asi nokuda kwenyu takatarisana norufu zuva rose; tinotorwa samakwai anobayiwa. Mukai, imi Ishe! Munovatireiko? Zvisimudzei! Regai kutiramba nokusingaperi. Ko, munovanzirei chiso chenyu muchikanganwa kutambudzika nokudzvinyirirwa kwedu? Takawisirwa muguruva; miviri yedu inonamatira pavhu. Simukai mutibatsire; tidzikinurei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.

Mapisarema 44:9-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Asi zvino makatirasha henyu, mukatinyadzisa; Hamuchafambi nehondo dzedu. Munotitizisa pamberi pavadzivisi; Vanotivenga vanozvipambira. Makatiisa samakwai akatarirwa kubayiwa; Makatiparadzira pakati pavahedheni. Munotengesa vanhu venyu musina chamunopiwa, Hamuna kuwedzera pfuma yenyu nomutengo wavo. Munotiita vanhu vanosekwa navatinogara navo, Vanhu vanozvidzwa nokusekwa navakatikomberedza. Munotiita shumo pakati pavahedheni, Vanhu vanotidzungudzira misoro. Zuva rose kuzvidzwa kwangu kuri pamberi pangu, Kunyara kwechiso changu kwakandifukidza. Nokuda kwezwi romutuki nomuzvidzi; Nokuda kwomuvengi nomutsivi. Izvi zvose zvakatiwira; kunyange zvakadaro hatina kukukanganwai, Hatina kunyengedzera pasungano yenyu. Mwoyo yedu haina kudzokera shure, Kutsika kwedu hakuna kutsauka panzira yenyu; Kunyange makatipwanya-pwanya panzvimbo yamakava, Mukatifukidza nomumvuri worufu. Kana tichinge takanganwa zita raMwari wedu, Kana kutambanudzira maoko edu kumwari wavamwe; Ko Mwari haanganzveri izvozvo here? Nokuti iye anoziva zvakavanzika zvomwoyo. Zvirokwazvo, nokuda kwenyu tinourawa zuva rose; Tinonzi tiri makwai akatarirwa kubayiwa. Mukai, munovatireiko, Ishe? Mukai, musatirasha nokusingaperi. Munovanzireiko chiso chenyu, Muchikanganwa kutambudzika kwedu nokumanikidzwa kwedu? Nokuti mweya wedu wakotamira kuguruva; Dumbu redu rinonamatira pavhu. Simukai mutibatsire, Mutidzikinure nokuda kwounyoro hwenyu.

Mapisarema 44:9-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Asi ɀino makatirasha henyu, mukatinyadzisa; Hamucafambi nehondo dzeɗu. Munotitizisa pamberi paʋadziʋisi; Ʋanotiʋeŋga ʋanoɀipambira. Makatiisa samakwai akatarirwa kuɓayiwa; Makatiparadzira pakati paʋahedeni. Munoteŋgesa ʋanhu ʋenyu musinacamunopiwa, Hamuna‐kuwedzera fuma yenyu nomuteŋgo waʋo. Munotiita ʋanhu ʋanosekwa naʋatinogara naʋo, Ʋanhu ʋanoɀidzwa nokusekwa naʋakatikomberedza. Munotiita shumo pakati paʋahedeni, Ʋanhu ʋanotidzuŋgudzira misoro. Zuʋa rose kuɀidzwa kwaŋgu kuri pamberi paŋgu, Kunyara kweciso caŋgu kwakandifukidza. Nokuɗa kwenzwi romutuki nomuɀidzi; Nokuɗa kwomuʋeŋgi nomutsiʋi. Iɀi ɀose ɀakatiwira; kunyaŋge ɀakaɗaro hatina‐kukukaŋganwai, Hatina‐kunyeŋgedzera pasuŋgano yenyu. Mŋoyo yeɗu haina‐kudzokera shure, Kutsika kweɗu hakuna‐kutsauka panzira yenyu; Kunyaŋge makatipxanya‐pxanya panɀimbo yamakaʋa, Mukatifukidza nomumvuri worufu. Kana ticiŋge takaŋganwa zita raMŋari weɗu, Kana kutambanudzira maʋoko eɗu kumŋari waʋamŋe; Ko Mŋari haaŋganɀeri iɀoɀo here? Nokuti iye unoziʋa ɀakaʋanzika ɀomŋoyo. Ɀirokwaɀo, nokuɗa kwenyu tinoʋurawa zuʋa rose; Tinonzi tiri makwai akatarirwa kuɓayiwa. Mukai, munoʋatireiko, Ishe? Mukai, musatirasha nokusiŋgaperi. Munoʋanzireiko ciso cenyu, Mucikaŋganwa kutambudzika kweɗu nokumanikidzwa kweɗu? Nokuti mŋeya weɗu wakotamira kuguruʋa; Ƌumbu reɗu rinonamatira pavu. Simukai mutiɓatsire, Mutidzikinure nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu.