Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 42:8-11

Nziyo 42:8-11 SCLB

TENZI anoratidza mwoyochena wake masikati; usiku ndinobva ndadandaura kuimba rumbo rwake kuri kunyengetera kuna Mwari woupenyu hwangu. Ndinoti kuna Mwari, dombo rangu, “Makandikanganwireiko? Ndinofambireiko ndichichema nokushushwa kwandinoitwa nemhandu?” Vavengi vangu vanondishora sokunge ndinodzimbirwa paronda riri mumuviri wangu. Vachingonditi, “Mwari wako aripiko?” Ko ndasuruvara neiko kudai iyeni ko ndadzongodzwa mwoyo mukati mangu seiko kudai? Ndinotarisira kuna Mwari nokuti ndichamurumbidzazve iye rubatsiro rwangu naMwari wangu.

Verenga chikamu Nziyo 42