Mapisarema 42:8-11
Mapisarema 42:8-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Masikati, Jehovha anorayira rudo rwake, pausiku rwiyo rwake runeni, munyengetero kuna Mwari woupenyu hwangu. Ndinoti kuna Mwari Dombo rangu, “Mandikanganwireiko? Ndinofambireiko ndichichema ndakadzvinyirirwa nomuvengi?” Mapfupa angu atambura nokurwadza kworufu, sezvo vavengi vangu vachindizvidza zuva rose vachiti kwandiri, “Mwari wako aripiko?” Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve. Muponesi wangu naMwari wangu.
Mapisarema 42:8-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi Jehovha acharaira unyoro hwake panguva yamasikati, Usiku rwiyo rwake ruchava neni, Uye munyengetero kuna Mwari woupenyu hwangu. Ndichati kuna Mwari, dombo rangu, “Makandikanganwireiko? Ndinofambireiko ndichichema nemhaka yokumanikidza kwomuvengi wangu?” Zvakafanana nomunondo pamapfupa angu, kana vadzivisi vangu vachindizvidza; Kana vachiramba vachiti kwandiri, “Mwari wako aripiko?” Unoshuwireiko, mweya wangu? Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomurumbidza hangu, Iye muponesi wechiso changu, naMwari wangu.
Mapisarema 42:8-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI anoratidza mwoyochena wake masikati; usiku ndinobva ndadandaura kuimba rumbo rwake kuri kunyengetera kuna Mwari woupenyu hwangu. Ndinoti kuna Mwari, dombo rangu, “Makandikanganwireiko? Ndinofambireiko ndichichema nokushushwa kwandinoitwa nemhandu?” Vavengi vangu vanondishora sokunge ndinodzimbirwa paronda riri mumuviri wangu. Vachingonditi, “Mwari wako aripiko?” Ko ndasuruvara neiko kudai iyeni ko ndadzongodzwa mwoyo mukati mangu seiko kudai? Ndinotarisira kuna Mwari nokuti ndichamurumbidzazve iye rubatsiro rwangu naMwari wangu.
Mapisarema 42:8-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi Jehova ucaraira ʋunyoro bgake paŋguʋa yamasikati, Ʋusiku rwiyo rwake rucaʋa neni, Uʋe munyeŋgetero kunaMŋari woʋupenyu bgaŋgu. Ndicati kunaMŋari, ɗombo raŋgu: Makandikaŋganwireiko? Ndinofambireiko ndicicema nemhaka yokumanikidza kwomuʋeŋgi waŋgu? Ɀakafanana nomunondo pamafupa aŋgu, kana ʋadziʋisi ʋaŋgu ʋacindiɀidza; Kana ʋaciramba ʋaciti kwandiri: Mŋari wako uripiko? Unoshuwireiko, mŋeya waŋgu? Unoshaiwa rugare neiko mukati maŋgu? Tarira kunaMŋari; nokuti ndicazomurumbidza haŋgu, Iye muponesi weciso caŋgu, NaMŋari waŋgu.
Mapisarema 42:8-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)