TENZI, navoi vanoita hondo neni, rwisai vanondirwisa. Torai nhoo ndiki nehuru musimuke kuzondibatsira. Zvuvai pfumo renyu negano renyu murwise vanondironda. Itii kwandiri, “Ndini ruponeso rwako.” Ngavanyadziswe vafumurwe vanoda kundiuraya. Ngavadzorwe vadzungaidzwe vanoronga kundiitira zvakaipa. Ngavaite sehundi inopupurutswa nemhepo vachidzinganiswa nomutumwa waTENZI. Nzira yavo ngaiite rima itsvedze vachirondwa nomutumwa waTENZI. Nokuti vakandivanzira mambure avo pasina chikonzero vakandicherera gomba pasina chikonzero. Dai waro kuparadzwa kwangovawira vasingazivi. Dai waro vangobatwa namambure avakateya; ngavawiremo vaparare. Ipapo ndichapembera kufara muna TENZI ndichifarira zvikuru kununura kwake. Mapfupa angu achati, “TENZI ndiani akaita semi? Imi munonunura asina simba kune ane simba kupinda iye uye murombo naasina chaanacho kumupambi.” Zvapupu zvina utsinye zvinomuka vanondibvunza mhosva dzandisingazivi. Vanondidzorera nezvakaipa pane zvakanaka zvandakavaitira. Mwoyo wangu unoshungurudzika. Asi pavairwara, ini ndakapfeka saga, ndakazvirwadzisa nokuzvinyima. Ndairamba ndichingonamata muhana mangu sokunge ndiri kuchema shamwari kana hama. Ndaimhemhaira sokunge ndinochema amai vangu ndakatsikitsira musoro pasi ndichiungudza. Asi pandakagumhinha vakaunganidzana vachifara; vakaungana kuzondirwisa mhetamakumbo dzandakanga ndisingazivi dzakaramba dzichingotaura zvakaipa nezvangu. Vakandisveeredza sechirema vachindizhinyurira mazino. Kusvikira riniko nhai TENZI makangotarisa zvenyu kudai? Ndinunureiwo mukundirwisa kwavo mundinunurewo upenyu kushumba. Ndichakutendai musangano guru; ndichakurumbidzai mugungano guru. Ngavarege kufara pamusoro pangu vanondivenga pasina mhosva, varege kuchonyana maziso vaya vanondivenga pasina chikonzero. Havataure zvinorugare; vakazvinyararira zvavo munyika vanovarongera zvinhu zvounyengedzi. Vanondishamisira muromo kwazvo vachiti, “Toko waro, Toko waro. Tazvionera nameso.” Imi mazviona TENZI, musanyarare TENZI musave kure neni. Zvigwinhei mumuke mundimiririre; mundirwire, imi Mwari wangu naTENZI wangu. Ndipembedzei TENZI Mwari wangu; maererano noururami hwenyu varege kundidadira. Ngavarege kuzviti, “Hauchionaka, zvataida tazviona.” Ngaverege kuti, “Takamumedza.” Ngavanyadziswe vanyatsodumbirwa vanofarira nhamo dzangu. Ngavaputirwe nenyadzi nokuzvidzwa vanozviti ivo ndivo, ini vachindiisa pasi. Regai vanoda kuti ndipembedzwe vadaidzire norufaro varambe vachiti, “TENZI mukuru anofarira kubudirira kwomuranda wake.” Ipapo rurimi rwangu ruchakurukura zvokururama kwenyu uye nezvembiri yenyu zuva rose.
Verenga chikamu Nziyo 35
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 35:1-28
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo