Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni;
Irwai navanorwa neni.
Torai nhoo huru neduku,
Musimuke kundibatsira.
Vhomoraiwo pfumo, mudzivire
nzira yavanonditeverera,
Itiyi kumweya wangu,
“Ndini muponesi wako.”
Vanotsvaka mweya wangu
ngavanyadziswe, vazvidzwe;
Vanofunga kundiitira zvakaipa
ngavadzoserwe shure vakanganiswe.
Ngavafanane nehundi inopupuruswa nemhepo,
Mutumwa waJehovha achivasundira.
Nzira yavo ngaive nerima, itedze,
Mutumwa waJehovha achivateverera.
Nokuti ndisina mhosva vakandivanzira
mimbure yavo muhunza,
Ndisina mhosva vakacherera mweya wangu hunza.
Kuparadzwa ngakumuwire akangofara;
Uye mumbure wake waakavanza
ngaumubate amene;
Ngaawiremo aparadzwe.
Mweya wangu uchafarira Jehovha
Uchafarira kuponesa kwake.
Mapfupa angu ose achati,
“Jehovha ndianiko akafanana nemi,
Imi munorwira murombo panaiye
akamukurira nesimba,
Iye murombo nomushaiwi panoanomupamba?”
Zvapupu zvisina kururama zvinosimuka;
Zvinondibvunza zvinhu zvandisingazivi.
Zvakanaka zvangu vanozvitsiva nezvakaipa,
Vachibira mweya wangu.
Asi kana ndirini, pakurwara kwavo
ndakafuka masaga;
Ndakatambudza mweya wangu
ndichizvinyima zvokudya;
Munyengetero wangu ukadzokera
kuchipfuva changu.
Ndakaita seyaiva shamwari yangu
kana hama yangu;
Ndakakotama ndichichema, somunhu
anochema mai vake.
Asi pakugumburwa kwangu
vakafara, vakaungana pamwechete;
Vanhu vakashata kwazvo vakaungana
kuzorwa neni, navandakanga ndisingazivi;
Vakandibvambura, vasingaregi;
Savadadiri vakaipa pamitambo
Vakandirumanyira meno avo.
Jehovha, muchatarira izvozvo kusvikira riniko?
Rwirai mweya wangu pakuparadza kwavo,
Mudikanwa wangu pashumba.
Ndichakuvongai paungano huru;
Ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji.
Vanondivenga ndisina mhosva
ngavarege kufara pamusoro pangu;
Uye vanondivenga ndisina mhosva
ngavarege kubwaira neziso.
Nokuti havatauri rugare;
Asi vanofungira avo vanyerere
panyika mashoko okunyengera.
Zvirokwazvo, vakandishamisira miromo yavo;
Vakati, “Hekani, hekani! Meso edu akazviona.”
Makazviona, Jehovha; regai kunyarara;
Ishe, regai kugara kure neni.
Zvimutsei, mukai mundiruramisire;
Mutambe mhaka yangu,
Mwari wangu naShe wangu.
Nditongerei, Jehovha Mwari wangu,
nokururama kwenyu;
Ngavarege kufara pamusoro pangu.
Ngavarege kuti mumwoyo mavo,
“Hekani, ndizvo zvatanga tichida;”
Ngavarege kuti, “Tamumedza.”
Ngavanyadziswe, vazvidzwe
pamwechete, ivo vanofarira kutambudzika kwangu;
Ngavafukidzwe nokunyara nokuzvidzwa, ivo
vanozvikudza pamusoro pangu.
Ngavadanidzire nomufaro, vafare,
ivo vanoda kururamiswa kwemhaka yangu;
Ngavarambe vachiti,
“Jehovha ngaakudzwe,
Iye, anofarira kufara kwomuranda wake.”
Ipapo rurimi rwangu ruchataura
zvokururama kwenyu,
Nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose.