Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 35:1-28

Mapisarema 35:1-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Haiwa Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni; rwisai avo vanondirwisa. Torai nhoo huru neduku; simukai, uye uyai mundibatsire. Vheyesai pfumo guru nepfumo diki murwise avo vanonditevera. Muti kumweya wangu, “Ndini ruponeso rwako.” Vanotsvaka kundiuraya ngavazvidzwe uye vanyadziswe; vanorangana kuparadzwa kwangu ngavadzoserwe shure vachitya. Ngavaite sehundi pamberi pemhepo, mutumwa waJehovha achivasundira kure; nzira yavo ngaisvibe uye itsvedze, mutumwa waJehovha achivateverera. Sezvo vakandivanzira mimbure yavo ndisina mhosva, uye vakandicherera gomba ndisina mhosva, kuparadzwa ngakuvawire pakarepo, mumbure wavakavanza ngauvapinge ivo, ngavawire mugomba ravo vaparare. Ipapo mweya wangu uchafara muna Jehovha, uye uchafarira ruponeso rwake. Zvandiri zvose zvichadanidzira zvichiti: “Ndianiko akaita semi, Jehovha? Munonunura varombo kubva kuna avo vane simba kupinda ravo.” Zvapupu zvino utsinye zvinouya mberi; zvinondibvunza pamusoro pezvinhu zvandisingazivi. Vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa, uye vanosiya mweya wangu uchidzungaira. Asi pavairwara, ndakafuka nguo dzamasaga ndikazvininipisa nokutsanya. Munyengetero wangu pawakadzokera kwandiri usina mhinduro, ndakafamba-famba ndichichema kunge ndinochemera shamwari yangu kana hama yangu. Ndakakotamisa musoro wangu ndichichema, sokunge ndinochema mai vangu. Asi pandakagumburwa, vakaungana vachifara; varwi vakaungana kuzondirwisa ndisingazivi. Vakandireva vasingaregi. Savanhu vasina Mwari vakandiseka muruvengo rwavo; vakandirumanyira meno avo. Haiwa Jehovha, muchasvika riniko makangotarira? Nunurai upenyu hwangu kubva pakuparadza kwavo, noupenyu hwangu hunokosha kubva pashumba idzi. Ndichakuvongai paungano huru; ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji. Ngavarege kufara pamusoro pangu avo vanondivenga ndisina mhosva; vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kuchonyerana meso avo mukundivenga. Havatauri norugare, asi vanofunga kupomera mhosva pamusoro pavanogara norunyararo munyika. Vanondishamira miromo yavo vachiti, “Hekani waro! Hekani waro! Tazviona nameso edu.” Haiwa Jehovha, mazviona izvi; regai kunyarara. Regai kuva kure neni, imi Ishe. Mukai uye simukai mundirwire! Ndirwirei, Mwari wangu naIshe wangu. Ndiruramisirei mukururama kwenyu, imi Jehovha Mwari wangu; musarega vachifara pamusoro pangu. Musarega vachifunga mumwoyo mavo vachiti, “Hekani waro, ndizvo zvatanga tichida!” kana kuti vati, “Tamumedza chose.” Vose vanofarira kutambudzika kwangu ngavanyadziswe uye vanyonganiswe; vose vanozvisimudzira pamusoro pangu ngavafukidzwe nenyadzi nokuzvidzwa. Vose vanofarira kururamisirwa kwangu ngavapembere nomufaro nokufarisisa; ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe, iye anofarira kugara zvakanaka kwavaranda vake.” Rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu, uye nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose.

Mapisarema 35:1-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni; Irwai navanorwa neni. Torai nhoo huru neduku, Musimuke kundibatsira. Vhomoraiwo pfumo, mudzivire nzira yavanonditeverera, Itiyi kumweya wangu, “Ndini muponesi wako.” Vanotsvaka mweya wangu ngavanyadziswe, vazvidzwe; Vanofunga kundiitira zvakaipa ngavadzoserwe shure vakanganiswe. Ngavafanane nehundi inopupuruswa nemhepo, Mutumwa waJehovha achivasundira. Nzira yavo ngaive nerima, itedze, Mutumwa waJehovha achivateverera. Nokuti ndisina mhosva vakandivanzira mimbure yavo muhunza, Ndisina mhosva vakacherera mweya wangu hunza. Kuparadzwa ngakumuwire akangofara; Uye mumbure wake waakavanza ngaumubate amene; Ngaawiremo aparadzwe. Mweya wangu uchafarira Jehovha Uchafarira kuponesa kwake. Mapfupa angu ose achati, “Jehovha ndianiko akafanana nemi, Imi munorwira murombo panaiye akamukurira nesimba, Iye murombo nomushaiwi panoanomupamba?” Zvapupu zvisina kururama zvinosimuka; Zvinondibvunza zvinhu zvandisingazivi. Zvakanaka zvangu vanozvitsiva nezvakaipa, Vachibira mweya wangu. Asi kana ndirini, pakurwara kwavo ndakafuka masaga; Ndakatambudza mweya wangu ndichizvinyima zvokudya; Munyengetero wangu ukadzokera kuchipfuva changu. Ndakaita seyaiva shamwari yangu kana hama yangu; Ndakakotama ndichichema, somunhu anochema mai vake. Asi pakugumburwa kwangu vakafara, vakaungana pamwechete; Vanhu vakashata kwazvo vakaungana kuzorwa neni, navandakanga ndisingazivi; Vakandibvambura, vasingaregi; Savadadiri vakaipa pamitambo Vakandirumanyira meno avo. Jehovha, muchatarira izvozvo kusvikira riniko? Rwirai mweya wangu pakuparadza kwavo, Mudikanwa wangu pashumba. Ndichakuvongai paungano huru; Ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji. Vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kufara pamusoro pangu; Uye vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kubwaira neziso. Nokuti havatauri rugare; Asi vanofungira avo vanyerere panyika mashoko okunyengera. Zvirokwazvo, vakandishamisira miromo yavo; Vakati, “Hekani, hekani! Meso edu akazviona.” Makazviona, Jehovha; regai kunyarara; Ishe, regai kugara kure neni. Zvimutsei, mukai mundiruramisire; Mutambe mhaka yangu, Mwari wangu naShe wangu. Nditongerei, Jehovha Mwari wangu, nokururama kwenyu; Ngavarege kufara pamusoro pangu. Ngavarege kuti mumwoyo mavo, “Hekani, ndizvo zvatanga tichida;” Ngavarege kuti, “Tamumedza.” Ngavanyadziswe, vazvidzwe pamwechete, ivo vanofarira kutambudzika kwangu; Ngavafukidzwe nokunyara nokuzvidzwa, ivo vanozvikudza pamusoro pangu. Ngavadanidzire nomufaro, vafare, ivo vanoda kururamiswa kwemhaka yangu; Ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe, Iye, anofarira kufara kwomuranda wake.” Ipapo rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu, Nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose.

Mapisarema 35:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

TENZI, navoi vanoita hondo neni, rwisai vanondirwisa. Torai nhoo ndiki nehuru musimuke kuzondibatsira. Zvuvai pfumo renyu negano renyu murwise vanondironda. Itii kwandiri, “Ndini ruponeso rwako.” Ngavanyadziswe vafumurwe vanoda kundiuraya. Ngavadzorwe vadzungaidzwe vanoronga kundiitira zvakaipa. Ngavaite sehundi inopupurutswa nemhepo vachidzinganiswa nomutumwa waTENZI. Nzira yavo ngaiite rima itsvedze vachirondwa nomutumwa waTENZI. Nokuti vakandivanzira mambure avo pasina chikonzero vakandicherera gomba pasina chikonzero. Dai waro kuparadzwa kwangovawira vasingazivi. Dai waro vangobatwa namambure avakateya; ngavawiremo vaparare. Ipapo ndichapembera kufara muna TENZI ndichifarira zvikuru kununura kwake. Mapfupa angu achati, “TENZI ndiani akaita semi? Imi munonunura asina simba kune ane simba kupinda iye uye murombo naasina chaanacho kumupambi.” Zvapupu zvina utsinye zvinomuka vanondibvunza mhosva dzandisingazivi. Vanondidzorera nezvakaipa pane zvakanaka zvandakavaitira. Mwoyo wangu unoshungurudzika. Asi pavairwara, ini ndakapfeka saga, ndakazvirwadzisa nokuzvinyima. Ndairamba ndichingonamata muhana mangu sokunge ndiri kuchema shamwari kana hama. Ndaimhemhaira sokunge ndinochema amai vangu ndakatsikitsira musoro pasi ndichiungudza. Asi pandakagumhinha vakaunganidzana vachifara; vakaungana kuzondirwisa mhetamakumbo dzandakanga ndisingazivi dzakaramba dzichingotaura zvakaipa nezvangu. Vakandisveeredza sechirema vachindizhinyurira mazino. Kusvikira riniko nhai TENZI makangotarisa zvenyu kudai? Ndinunureiwo mukundirwisa kwavo mundinunurewo upenyu kushumba. Ndichakutendai musangano guru; ndichakurumbidzai mugungano guru. Ngavarege kufara pamusoro pangu vanondivenga pasina mhosva, varege kuchonyana maziso vaya vanondivenga pasina chikonzero. Havataure zvinorugare; vakazvinyararira zvavo munyika vanovarongera zvinhu zvounyengedzi. Vanondishamisira muromo kwazvo vachiti, “Toko waro, Toko waro. Tazvionera nameso.” Imi mazviona TENZI, musanyarare TENZI musave kure neni. Zvigwinhei mumuke mundimiririre; mundirwire, imi Mwari wangu naTENZI wangu. Ndipembedzei TENZI Mwari wangu; maererano noururami hwenyu varege kundidadira. Ngavarege kuzviti, “Hauchionaka, zvataida tazviona.” Ngaverege kuti, “Takamumedza.” Ngavanyadziswe vanyatsodumbirwa vanofarira nhamo dzangu. Ngavaputirwe nenyadzi nokuzvidzwa vanozviti ivo ndivo, ini vachindiisa pasi. Regai vanoda kuti ndipembedzwe vadaidzire norufaro varambe vachiti, “TENZI mukuru anofarira kubudirira kwomuranda wake.” Ipapo rurimi rwangu ruchakurukura zvokururama kwenyu uye nezvembiri yenyu zuva rose.

Mapisarema 35:1-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Jehova, kakaʋadzanai naʋanokakaʋadzana neni; Irwai naʋanorwa neni. Torai nhoʋo huru neɗuku, Musimuke kundiɓatsira. Vomorai ʋo pfumo, mudziʋire nzira yaʋanonditeʋerera, Itiyi kumŋeya waŋgu: Ndini muponesi wako. Ʋanotȿaka mŋeya waŋgu ŋgaʋanyadziswe, ʋaɀidzwe; Ʋanofuŋga kundiitira ɀakaipa ŋgaʋadzoserwe shure ʋakaŋganiswe. Ŋgaʋafanane nehundi inopupuruswa nemhepo, Mutumŋa waJehova aciʋasundira. Nzira yaʋo ŋgaiʋe nerima, itedze, Mutumŋa waJehova aciʋateʋerera. Nokuti ndisinemhoȿa ʋakandiʋanzira mimbure yaʋo muhunza, Ndisinemhoȿa ʋakacerera mŋeya waŋgu hunza. Kuparadzwa ŋgakumuwire akaŋgofara; Ʋuye mumbure wake waakaʋanza ŋgaumuɓate amene; Ŋgaawire’mo aparadzwe. Mŋeya waŋgu ucafarira Jehova Ucafarira kuponesa kwake. Mafupa aŋgu ose acati: Jehova ndianiko wakafanana nemi, Imi munorwira murombo panaiye wakamukurira nesimba, Iye murombo nomushaiwi panounomupamba? Ɀapupu ɀisina‐kururama ɀinosimuka; Ɀinondibvunza ɀinhu ɀandisiŋgaziʋi. Ɀakanaka ɀaŋgu ʋanoɀitsiʋa neɀakaipa, Ʋaciɓira mŋeya waŋgu. Asi kana ndiri’ni, pakurwara kwaʋo ndakafuka gumbu; Ndakatambudza mŋeya waŋgu ndiciɀinyima ɀokudya; Munyeŋgetero waŋgu ukadzokera kucifuʋa caŋgu. Ndakaita seyaiʋa shamŋari yaŋgu kana hama yaŋgu; Ndakakotama ndicicema, somunhu unocema mai ʋake. Asi pakugumburwa kwaŋgu ʋakafara, ʋakaʋuŋgana pamŋe cete; Ʋanhu ʋakashata kwaɀo ʋakaʋuŋgana kuzorwa neni, naʋandakaŋga ndisiŋgaziʋi; Ʋakandibvambura, ʋasiŋgaregi; Saʋaɗaɗiri ʋakaipa pamitambo Ʋakandirumanyira meno aʋo. Jehova, mucatarira iɀoɀo kuȿikira riniko? Rwirai mŋeya waŋgu pakuparadza kwaʋo, Muɗikanwa waŋgu pashumba. Ndicakuʋoŋgai paʋuŋgano huru; Ndicakurumbidzai pakati paʋanhu ʋazhinji. Ʋanondiʋeŋga ndisinemhoȿa ŋgaʋarege kufara pamsoro paŋgu; Ʋuye ʋanondiʋeŋga ndisinemhoȿa ŋgaʋarege kubgaira neziso. Nokuti haʋatauri rugare; Asi ʋanofuŋgira aʋo ʋanyerere panyika mashoko okunyeŋgera. Ɀirokwaɀo, ʋakandishamisira miromo yaʋo; Ʋakati: Hekani, hekani! meso eɗu akaɀiʋona. Makaɀiʋona, Jehova; regai kunyarara; Ishe, regai kugara kure neni. Ɀimutsei, mukai mundiruramisire; Mutambe mhaka yaŋgu, Mŋari waŋgu naShe waŋgu. Nditoŋgerei, Jehova Mŋari waŋgu, nokururama kwenyu; Ŋgaʋarege kufara pamsoro paŋgu. Ŋgaʋarege kuti mumŋoyo maʋo: Hekani, ndiɀo ɀataŋga ticiɗa; Ŋgaʋarege kuti: Tamumedza. Ŋgaʋanyadziswe, ʋaɀidzwe pamŋe cete, iʋo ʋanofarira kutambudzika kwaŋgu; Ŋgaʋafukidzwe nokunyara nokuɀidzwa, iʋo ʋanoɀikudza pamsoro paŋgu. Ŋgaʋaɗanidzire nomufaro, ʋafare, iʋo ʋanoɗa kururamiswa kwemhaka yaŋgu; Ŋgaʋarambe ʋaciti: Jehova ŋgaakudzwe, Iye, unofarira kufara kwomuranda wake. Ipapo rurimi rwaŋgu rucataura ɀokururama kwenyu, Neɀokurumbidzwa kwenyu zuʋa rose.

Mapisarema 35:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)