Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 31:9-18

Nziyo 31:9-18 SCLB

Ndinzwireiwo tsitsi TENZI nokuti ndiri munhamo. Ziso rangu rasakara nokuchema ndizvozvowo zvine mweya wangu nomuviri wangu. Upenyu hwangu hwaperera mukusuwa namakore angu aperera mukutura befu simba rangu rapera pamusana pepfumvu yangu mapfupa angu asakara. Ndinozvidzwa navavengi vangu vose, chinhu chinoshoreka kwazvo kuva vavakidzani vangu. Vazivikanwi vangu vavakutonditya vanondiona mumugwagwa vanonditiza. Ndakatokanganikwa somunhu akafa. Ndaita somudziyo wakapwanyika. Nokuti ndiri kunzwa vazhinji vachiita kazevezeve; mativi ose zvangove zvinotyisa. Pavanorangana zvokundirwisa vachirangana zvokuda kundiuraya. Asi ini ndinovimba nemi TENZI ndinoti ndimi Mwari wangu. Upenyu hwangu huri mumaoko enyu ndinunureiwo mumaoko avavengi vangu navanonditambudza. Ndinyevenutsireiwo mwoyo ini muranda wenyu mundinunurewo nemwoyochena wenyu. Musaite kuti ndinyadziswe, TENZI nokuti ndinochema kwamuri. Vakaipa ngavave ivo vanonyadziswa ngavadzike kunzvimbo yavakafa chinyarire. Miromo inoreva nhema ngainyaradzwe, inotaura zvakaipa kuvarurami ichizvikudza nokuzvitutumadza nokuzvidza.

Verenga chikamu Nziyo 31