Ndinzwirei tsitsi Jehovha, nokuti ndiri panjodzi; Ziso rangu rapera nokuchema, zvirokwazvo, nomweya wangu nomuviri wanguo. Nokuti hupenyu hwangu hwapera nokuchema, namakore angu nokugomera; Simba rangu rapera nokuda kwokutadza kwangu, uye mapfupa angu asakara. Ndava chinhu chinozvidzwa nemhaka yavadzivisi vangu vose, Zvirokwazvo, zvikuru kuna vandinogara navo, nechinotyisa kuvazikani vangu; Vakandiona kunze vakanditiza. Ndakanganikwa sowakafa asati achafungwa; Ndava somudziyo wakaputsika. Ndakanzwa vazhinji vachindipomera, Zvinotyisa kumativi ose; Pakurangana kwavo pamusoro pangu Vakafunga mano kuti vanditorere upenyu hwangu. Asi ndakavimba nemi Jehovha; Ndakati, “Ndimi Mwari wangu.” Nguva dzangu dziri muruoko rwenyu; Ndirwirei paruoko rwavavengi vangu, nokuna vanonditambudza. Vhenekesai chiso chenyu pamusoro pomuranda wenyu; Ndiponesei nounyoro hwenyu. Ngandirege kunyadziswa, Jehovha; nokuti ndakadana kwamuri; Vakaipa ngavanyadziswe, ngavanyarare paSheori. Miromo inoreva nhema ngainyarare; Iyo inotaura namanyawi kuna vakarurama, Ichizvikudza nokuvazvidza.
Verenga chikamu Mapisarema 31
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 31:9-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo