Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 18:30-50

Nziyo 18:30-50 SCLB

Mwari uyu, nzira dzake dzakarurama, zvinotaurwa naTENZI ndezvechokwadi inhoo yavose vanopotera kwaari. Ndiani Mwari, kunze kwaTENZI? Ndiani dombo kunze kwaMwari wedu? Ndiye Mwari akandipa simba akaita kuti nzira yangu ifambike. Makumbo angu anoaita seengururu, kunyange pamangoringori anoita kuti ndimire. Anodzidzisa maoko angu kurwa hondo zvokuti kunyange uta hwendarira, maoko angu anogona kutatamura. Ruponeso rwenyu ndiyo nhoo yamakandipa, rudyi rwenyu rwakanditsigira. Rubatsiro rwenyu rwakaita kuti ndive mukuru mukuru. Pokutsika netsoka dzangu, makandipa pakuru zvokuti tsoka dzangu, kutsvedzemuka hadzina. Ndakaronda vavengi vangu ndikavabata, ndikatozofuratira vapera kuti dhu. Ndakavapwanya-pwanya zvokuti havana kukwanisa kumuka, vakati rakata pasi petsoka dzangu. Makandipa simba rokurwa hondo mukaita kuti vavengi vangu vandigwadamire. Vanondivenga makaita kuti vanditize vanondivenga ndikavaparadza. Vakachemera rubatsiro asi panga pasina wokuvanunura, vakachema kuna TENZI asi haana kuvapindura. Ndakavakuya-kuya seguruva revhu ndakavarasa sedhaka munzira. Makandinunura mumhirizhonga yomumba mangu makandiita musoro wendudzi dzavanhu vanhu vandakanga ndisingamboziva vakandishandira. Vatorwa vaiuya kwandiri vachitodemba, vaiti vakangondinzwa chete vainditeerera. Vatorwa vakarasa mwoyo, vakabuda munhare dzavo vachidedera. TENZI mupenyu, iye dombo rangu, ngaarumbidzwe, ngaatunhidzwe Mwari, muponesi wangu. Mwari anonditsivira anondiisira ndudzi dzavanhu pasi pangu akandipunyutsa kuvavengi vangu. Makandisumudzira pamusoro pavavengi vangu, mukandinunura kuvanhu vehondo. Naizvozvo ndinokurumbidzai imi TENZI mukati mendudzi ndichaimba ndichirumbidza zita renyu. Anopa mambo wake kukunda kukuru kwazvo, anoitira mwoyochena muzodzwa wake Dhavhidhi nezvizvarwa zvake narini wose.

Verenga chikamu Nziyo 18