Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 18:30-50

Mapisarema 18:30-50 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Mwari uyu, nzira dzake dzakarurama, zvinotaurwa naTENZI ndezvechokwadi inhoo yavose vanopotera kwaari. Ndiani Mwari, kunze kwaTENZI? Ndiani dombo kunze kwaMwari wedu? Ndiye Mwari akandipa simba akaita kuti nzira yangu ifambike. Makumbo angu anoaita seengururu, kunyange pamangoringori anoita kuti ndimire. Anodzidzisa maoko angu kurwa hondo zvokuti kunyange uta hwendarira, maoko angu anogona kutatamura. Ruponeso rwenyu ndiyo nhoo yamakandipa, rudyi rwenyu rwakanditsigira. Rubatsiro rwenyu rwakaita kuti ndive mukuru mukuru. Pokutsika netsoka dzangu, makandipa pakuru zvokuti tsoka dzangu, kutsvedzemuka hadzina. Ndakaronda vavengi vangu ndikavabata, ndikatozofuratira vapera kuti dhu. Ndakavapwanya-pwanya zvokuti havana kukwanisa kumuka, vakati rakata pasi petsoka dzangu. Makandipa simba rokurwa hondo mukaita kuti vavengi vangu vandigwadamire. Vanondivenga makaita kuti vanditize vanondivenga ndikavaparadza. Vakachemera rubatsiro asi panga pasina wokuvanunura, vakachema kuna TENZI asi haana kuvapindura. Ndakavakuya-kuya seguruva revhu ndakavarasa sedhaka munzira. Makandinunura mumhirizhonga yomumba mangu makandiita musoro wendudzi dzavanhu vanhu vandakanga ndisingamboziva vakandishandira. Vatorwa vaiuya kwandiri vachitodemba, vaiti vakangondinzwa chete vainditeerera. Vatorwa vakarasa mwoyo, vakabuda munhare dzavo vachidedera. TENZI mupenyu, iye dombo rangu, ngaarumbidzwe, ngaatunhidzwe Mwari, muponesi wangu. Mwari anonditsivira anondiisira ndudzi dzavanhu pasi pangu akandipunyutsa kuvavengi vangu. Makandisumudzira pamusoro pavavengi vangu, mukandinunura kuvanhu vehondo. Naizvozvo ndinokurumbidzai imi TENZI mukati mendudzi ndichaimba ndichirumbidza zita renyu. Anopa mambo wake kukunda kukuru kwazvo, anoitira mwoyochena muzodzwa wake Dhavhidhi nezvizvarwa zvake narini wose.

Mapisarema 18:30-50 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana; shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari. Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu? NdiMwari anondishongedza nesimba uye anokwanisa nzira yangu. Anoita kuti tsoka dzangu dzive setsoka dzenondo; anoita kuti ndigone kumira pakakwirira. Anodzidzisa maoko angu kurwa; maoko angu anowembura uta hwendarira. Munondipa nhoo yenyu yokukunda, uye ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira; munokotama pasi kuti mundiite mukuru. Munondiitira nzira yakapamhama pasi pangu, kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutedzemuka. Ndakatevera vavengi vangu ndikavabata; handina kudzokera shure kusvikira vaparadzwa. Ndakavapwanya kuti vakoniwe kusimuka; vakawira pasi petsoka dzangu. Makandishongedza nesimba rokurwa; makaita kuti vadzivisi vangu vapfugame patsoka dzangu. Makaita kuti vavengi vangu vatize, uye ndakaparadza vavengi vangu. Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna akavaponesa, kunyange kuna Jehovha, asi haana kuvapindura. Ndakavapura vakatsetseka seguruva ratakurwa nemhepo; ndakavadururira pasi sedope renzira dzomumusha. Makandirwira pakurwisa kwavanhu; makandiita musoro wendudzi; vanhu vandakanga ndisingazivi vava varanda vangu. Pavanongondinzwa, vanonditeerera; vatorwa vanokotama pamberi pangu. Vose vanoora mwoyo; vanouya vachibva panhare dzavo vachidedera. Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe! Ngaakudzwe Mwari Muponesi wangu! Ndiye Mwari anonditsivira, anoisa ndudzi pasi pangu, anondiponesa pavavengi vangu. Makandisimudzira pamusoro pavavengi vangu. Makandinunura kubva kuvanhu vechisimba. Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pendudzi, imi Jehovha; ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza. Anopa mambo wake kukunda kukuru; anoratidza unyoro hwake husingaperi kumuzodziwa wake, kuna Dhavhidhi nokuvana vake nokusingaperi.

Mapisarema 18:30-50 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana kwazvo; Shoko raJehovha rakaidzwa; Ndiye nhoo yavose vanovimba naye. Nokuti ndianiko Mwari, asi iye Jehovha? Ndianiko dombo, asi iye Mwari wedu? Iye Mwari, anondisunga chiuno nesimba, Anokwanisa nzira yangu. Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzenondokadzi, Anondiisa pamatunhu angu akakwirira. Anodzidzisa maoko angu kurwa; Naizvozvo maoko angu anowembura huta hwendarira. Makandipawo nhoo yokuponesa kwenyu; Ruoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira, Uye unyoro hwenyu hwakandiita mukuru. Makandiitira nzvimbo yakafarikana pandingatsika; Uye tsoka dzangu hadzina kutedzemuka. Ndichateverera vavengi vangu nokuvabata. Handingadzokizve kusvikira vapedzwa. Ndichavabaya, vakoniwe kusimuka; Vachawira pasi petsoka dzangu. Nokuti makandisunga chiuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa vaindimukira. Makatizisa vavengi vangu, Kuti ndiparadze vanondivenga. Vakachema, asi kwakanga kusina anoponesa, Kuna Jehovha, asi haana kuvapindura. Ipapo ndakavapwanya-pwanya seguruva pamberi pemhepo; Ndakavarashira kure samatope enzira dzomumusha. Makandirwira pakukakavadzana kwavanhu; Makandiita mukuru wendudzi; Vanhu vandakanga ndisingazivi, vachandishumira. Vachateerera pakarepo kana vachindinzwa, Vatorwa vachanamata kwandiri. Vatorwa vachatorerwa simba, Vachabuda pavaivanda vachidedera. Jehovha mupenyu; dombo rangu ngarikudzwe; Mwari wokuponeswa kwangu ngaarumbidzwe. Ndiye Mwari anonditsivira, Anondikundisa ndudzi dzavanhu. Iye anondirwira kuvavengi vangu; Zvirokwazvo, munondisimudzira kumusoro kwavanondimukira. Munondirwira pamunhu anomanikidza. Naizvozvo ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi, Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokukudza. Anopa mambo wake kuponeswa kukuru; Anoitira muzodzwa wake unyoro, Iye Dhavhidhi nomwana wake nokusingaperi.

Mapisarema 18:30-50 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mwari uyu, nzira dzake dzakarurama, zvinotaurwa naTENZI ndezvechokwadi inhoo yavose vanopotera kwaari. Ndiani Mwari, kunze kwaTENZI? Ndiani dombo kunze kwaMwari wedu? Ndiye Mwari akandipa simba akaita kuti nzira yangu ifambike. Makumbo angu anoaita seengururu, kunyange pamangoringori anoita kuti ndimire. Anodzidzisa maoko angu kurwa hondo zvokuti kunyange uta hwendarira, maoko angu anogona kutatamura. Ruponeso rwenyu ndiyo nhoo yamakandipa, rudyi rwenyu rwakanditsigira. Rubatsiro rwenyu rwakaita kuti ndive mukuru mukuru. Pokutsika netsoka dzangu, makandipa pakuru zvokuti tsoka dzangu, kutsvedzemuka hadzina. Ndakaronda vavengi vangu ndikavabata, ndikatozofuratira vapera kuti dhu. Ndakavapwanya-pwanya zvokuti havana kukwanisa kumuka, vakati rakata pasi petsoka dzangu. Makandipa simba rokurwa hondo mukaita kuti vavengi vangu vandigwadamire. Vanondivenga makaita kuti vanditize vanondivenga ndikavaparadza. Vakachemera rubatsiro asi panga pasina wokuvanunura, vakachema kuna TENZI asi haana kuvapindura. Ndakavakuya-kuya seguruva revhu ndakavarasa sedhaka munzira. Makandinunura mumhirizhonga yomumba mangu makandiita musoro wendudzi dzavanhu vanhu vandakanga ndisingamboziva vakandishandira. Vatorwa vaiuya kwandiri vachitodemba, vaiti vakangondinzwa chete vainditeerera. Vatorwa vakarasa mwoyo, vakabuda munhare dzavo vachidedera. TENZI mupenyu, iye dombo rangu, ngaarumbidzwe, ngaatunhidzwe Mwari, muponesi wangu. Mwari anonditsivira anondiisira ndudzi dzavanhu pasi pangu akandipunyutsa kuvavengi vangu. Makandisumudzira pamusoro pavavengi vangu, mukandinunura kuvanhu vehondo. Naizvozvo ndinokurumbidzai imi TENZI mukati mendudzi ndichaimba ndichirumbidza zita renyu. Anopa mambo wake kukunda kukuru kwazvo, anoitira mwoyochena muzodzwa wake Dhavhidhi nezvizvarwa zvake narini wose.

Mapisarema 18:30-50 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Kana ari Mŋari, nzira yake yakakwana kwaɀo; Shoko raJehova rakaidzwa; Ndiye nhoʋo yaʋose ʋanoʋimba naye. Nokuti ndianiko Mŋari, asi iye Jehova? Ndianiko ɗombo, asi iye Mŋari weɗu? Iye Mŋari, unondisuŋga ciʋuno nesimba, Unokwanisa nzira yaŋgu. Unoita tsoka dzaŋgu dziʋe setsoka dzenondokadzi, Unondiisa pamatunhu aŋgu akakwirira. Unodzidzisa maʋoko aŋgu kurwa; Naiɀoɀo maʋoko aŋgu anowembura ʋuta bgendarira. Makandipa ʋo nhoʋo yokuponesa kwenyu; Ruʋoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira, Ʋuye ʋunyoro bgenyu bgakandiita mukuru. Makandiitira nɀimbo yakafarikana pandiŋgatsika; Ʋuye tsoka dzaŋgu hadzina‐kutedzemuka. Ndicateʋerera ʋaʋeŋgi ʋaŋgu nokuʋaɓata, Handiŋgadzoki ɀe kuȿikira ʋapedzwa. Ndicaʋaɓaya, ʋakoniwe kusimuka; Ʋacawira pasi petsoka dzaŋgu. Nokuti makandisuŋga ciʋuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa ʋaindimukira. Makatizisa ʋaʋeŋgi ʋaŋgu, Kuti ndiparadze ʋanondiʋeŋga. Ʋakacema, asi kwakaŋga kusinaunoponesa, KunaJehova, asi haana‐kuʋapindura. Ipapo ndakaʋapxanya‐pxanya seguruʋa pamberi pemhepo; Ndakaʋarashira kure samatope enzira dzomumusha. Makandirwira pakukakaʋadzana kwaʋanhu; Makandiita mukuru wendudzi; Ʋanhu ʋandakaŋga ndisiŋgaziʋi, ʋacandishumira. Ʋacaterera pakarepo kana ʋacindinzwa, Ʋatorwa ʋacanamata kwandiri. Ʋatorwa ʋacatorerwa simba, Ʋacaɓuɗa paʋaiʋanda ʋaciɗeɗera. Jehova mupenyu; ɗombo raŋgu ŋgarikudzwe; Mŋari wokuponeswa kwaŋgu ŋgaarumbidzwe. Ndiye Mŋari unonditsiʋira, Unondikundisa ndudzi dzaʋanhu. Iye unondirwira kuʋaʋeŋgi ʋaŋgu; Ɀirokwaɀo, munondisimudzira kumsoro kwaʋanondimukira. Munondirwira pamunhu unomanikidza. Naiɀoɀo ndicakuʋoŋgai Jehova, pakati pendudzi, Ndicaimbira zita renyu nziyo dzokukudza. Unopa mambo wake kuponeswa kukuru; Unoitira muzodzwa wake ʋunyoro, Iye Davidi nomŋana wake nokusiŋgaperi.