Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 130:1-8

Nziyo 130:1-8 SCLB

Ndakadanidzira kwamuri TENZI ndiri makadzika. TENZI inzwai izwi rangu, rerekerai nzeve dzenyu kuizwi romunamato wangu. Kana imi TENZI mukapfundira zvivi ndiani angapamire. Asi imi munorengerera kuitira kuti muremekedzwe. Ini ndinomirira TENZI, mweya wangu unomirira, ndinovimba neshoko rake. Ndinomirira TENZI kupinda kumirira kuita varindiri mambakwedza, kupinda varindiri mambakwedza. Isiraeri ngaitarisire kuna TENZI nokuti TENZI ane mwoyochena; maari mune ruponeso rwakawanda. Achaponesa Isiraeri kuzvivi zvayo zvose.

Verenga chikamu Nziyo 130