Ndakadanidzira kwamuri TENZI ndiri makadzika. TENZI inzwai izwi rangu, rerekerai nzeve dzenyu kuizwi romunamato wangu. Kana imi TENZI mukapfundira zvivi ndiani angapamire. Asi imi munorengerera kuitira kuti muremekedzwe. Ini ndinomirira TENZI, mweya wangu unomirira, ndinovimba neshoko rake. Ndinomirira TENZI kupinda kumirira kuita varindiri mambakwedza, kupinda varindiri mambakwedza. Isiraeri ngaitarisire kuna TENZI nokuti TENZI ane mwoyochena; maari mune ruponeso rwakawanda. Achaponesa Isiraeri kuzvivi zvayo zvose.
Verenga chikamu Nziyo 130
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 130:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo