Ndakadanidzira kwamuri, Jehovha, ndiri makadzika. Ishe inzwai izwi rangu; Nzeve dzenyu ngadziteerere Izwi rokukumbira kwangu. Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, Ndianiko airamba amire, Ishe? Asi kukanganwirwa kuriko kwamuri, Kuti vanhu vakutyei. Ndinorindira Jehovha, mweya wangu unorindira; Ndinotarira shoko rake. Mweya wangu unorindira Ishe, Kupfuura varindi vanorindira rungwanani; Zvirokwazvo, kupfuura varindi vanorindira rungwanani. Imi Isiraeri, tarirai kuna Jehovha; Nokuti kuna Jehovha kune ngoni, Uye kwaari kunokudzikinurwa kukuru. Iye achadzikinura Isiraeri Panezvisakarurama zvake zvose.
Verenga chikamu Mapisarema 130
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 130:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo