Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 130:1-8

Mapisarema 130:1-8 SNA2002

Ndakadanidzira kwamuri, Jehovha, ndiri makadzika. Ishe inzwai izwi rangu; Nzeve dzenyu ngadziteerere Izwi rokukumbira kwangu. Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, Ndianiko airamba amire, Ishe? Asi kukanganwirwa kuriko kwamuri, Kuti vanhu vakutyei. Ndinorindira Jehovha, mweya wangu unorindira; Ndinotarira shoko rake. Mweya wangu unorindira Ishe, Kupfuura varindi vanorindira rungwanani; Zvirokwazvo, kupfuura varindi vanorindira rungwanani. Imi Isiraeri, tarirai kuna Jehovha; Nokuti kuna Jehovha kune ngoni, Uye kwaari kunokudzikinurwa kukuru. Iye achadzikinura Isiraeri Panezvisakarurama zvake zvose.