Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 119:121-152

Nziyo 119:121-152 SCLB

Ndakaita zviri pamutemo uye zvakarurama musandisiye mumaoko avanondidzvinyiriri vangu. Aini Tsidzai kuti ndimi muchabatsira ini muranda wenyu. Musarege vanozvikudza vachindidzvinyirira. Meso angu aneta nokutarisira ruponeso rwenyu nokuzadzikiswa kwechitsidzo chenyu chakarurama. Ndiitireiwo mwoyochena mundidzidzisewo mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu, ndipeiwo kunzwisisa kuti ndizive mitemo yenyu. Yasvika zvino nguva TENZI yokuti muchiwana zvamunoita nokuti mutemo uri kutyorwa. Naizvozvo ndinoda mitemo yenyu kupinda ndarama, kupinda ndarama yakanakisisa. Nezvo nemitemo yenyu ndinowana nzira kwayo, ndinovenga maitiro ose ounyengedzi. Mitemo yenyu yakanaka kwazvo ndokusaka ndichiichengeta. Shoko renyu parizvino ratambanuka, rinopa chiedza, rinopa vanhuwo zvavo kunzwisisa. Ndinofemereka ndakashama muromo nokuti ndinodisisa mitemo yenyu. Ndicheuke mundiitirewo zvakanaka zvamunongoita kuna vanoda zita renyu. Ndisimbisei tsoka sokutsidza kwamakaita uipi hurege kunditonga. Ndinunureiwo kuvadzvinyiriri kuitira kuti ndichengete mitemo yenyu. Ndiitireiwo mwoyo wakanaka, ini muranda wenyu, mundidzidzise mirau yenyu. Maziso angu anosvimha misodzi nokuti vanhu havachengeti mutemo wenyu. TENZI makarurama uye kutonga kwenyu kwakarurama. Tsadhe Makatema mirau yakarurama, iri pachokwadi chaipo. Ndinobaiwa mwoyo neshungu nokuti vavengi vangu vanokanganwa zvavo mazwi enyu. Chitsidzo chenyu ndechepachokwadi chaicho uye muranda wenyu anochida. Ndiri muduku zvangu uye ndinoshorwa asi handikanganwi mirau yenyu. Ururami hwenyu hwakarurama nokusingaperi uye mutemo wenyu ndewechokwadi. Nhamo nokurwadziwa mwoyo zvandiwira, asi ndinofarira mutemo wenyu. Mitemo yenyu yakarurama nokusingaperi ndipeiwo kunzwisisa ndirarame. Ndinochema nemwoyo wangu wose, ndipindureiwo TENZI ndichengete zvirevo zvenyu. Kofu Ndinochema kwamuri, ndiponeseiwo kuti ndichengete mitemo yenyu. Ndinotangira mambakwedza kumuka ndichikumbira rubatsiro, chitarisiro changu chiri mumashoko enyu. Ndinenge ndatosvinura maziso nguva inotsinhanha varindi isati yasvika kuti ndidzamise pfungwa nezvezvitsidzo zvenyu. Nemwoyochena wenyu, inzwai kuchema kwangu, TENZI ndiraramiseiwo noruenzaniso rwenyu. Vanonditambudza vari kuuya kwandiri nepfungwa dzakaipa, vari kure nomutemo wenyu. Asi imi muri padyo TENZI uye mitemo yenyu ndeyechokwadi. Ndakaziva kare zvemitemo yenyu kuti makaidzika nokusingaperi.

Verenga chikamu Nziyo 119