Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 119:121-152

Mapisarema 119:121-152 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ndakaita zvakarurama nokururamisira; musandisiya mumaoko avadzvinyiriri vangu. Itai kuti muranda wenyu agare zvakanaka; musarega vanozvikudza vachimudzvinyirira. Meso angu aneta nokutsvaka ruponeso rwenyu, ndichitsvaga vimbiso yenyu yakarurama. Itirai muranda wenyu zvinoringana norudo rwenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu; ndipeiwo kunzvera kuti ndigonzwisisa zvamakatema. Haiwa Jehovha, inguva yenyu yokubata; murayiro wenyu uri kuputswa. Nokuti ndinoda mirayiro yenyu kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa, uye nokuti ndinoti zvirevo zvenyu zvose zvakarurama, ndinovenga nzira dzose dzakaipa. Zvirevo zvenyu zvinoshamisa; naizvozvo ndinozviteerera. Kuzarurwa kweshoko renyu kunopa chiedza; kunopa kunzwisisa kuna vasina mano. Ndinoshamisa muromo wangu ndigodokwaira, ndichishuva mirayiro yenyu. Dzokerai kwandiri mugondinzwira ngoni, sezvamunogara muchiita kuna avo vanoda zita renyu. Rayirai nhambwe dzetsoka dzangu zviri maererano neshoko renyu; chivi ngachirege kunditonga. Ndidzikinurei pakudzvinyirira kwavanhu, kuti ndigoteerera zvirevo zvenyu. Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu. Hova dzemisodzi dzinoerera dzichibva mumeso angu, nokuti murayiro wenyu hausi kuteererwa. Haiwa Jehovha, imi makarurama, uye mirayiro yenyu yakarurama. Zvirevo zvenyu zvamakadzika zvakarurama; zvakavimbika kwazvo. Kushingaira kwangu kunondipedza, nokuti vavengi vangu havana hanya namashoko enyu. Vimbiso dzenyu dzakaedzwa chose, uye muranda wenyu anodzida. Kunyange ndakaderedzwa uye ndichizvidzwa hangu, handikanganwi zvirevo zvenyu. Kururama kwenyu kunogara nokusingaperi, uye murayiro wenyu ndowezvokwadi. Nhamo namatambudziko zviri pamusoro pangu, asi mirayiro yenyu ndiwo mufaro wangu. Zvirevo zvenyu zvinogara zvakarurama; ndipeiwo kunzwisisa kuti ndirarame. Ndinodana nomwoyo wangu wose; haiwa Jehovha ndipindureiwo, uye ndichateerera mitemo yenyu. Ndinodanidzira kwamuri, ndiponesei uye ndichachengeta zvamakatema. Ndinomuka mambakwedza asati asvika ndigochemera kubatsirwa; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Meso angu anogara akasvinura panguva dzose dzousiku, kuti ndifungisise pamusoro pevimbiso dzenyu. Inzwai inzwi rangu sezvakafanira rudo rwenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu zviri maererano nemirayiro yenyu. Vanoita mano akaipa vari pedyo, asi vari kure nomurayiro wenyu. Asi imi muri pedyo, Jehovha, uye mirayiro yenyu yose ndeyezvokwadi. Ndakadzidza pane zvamakatema kare, kuti makazvisimbisa kuti zvigare nokusingaperi.

Mapisarema 119:121-152 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ndakaita zvakatongwa nezvakarurama; Musandiisa kuvamanikidzi vangu. Ivai rubatso rwomuranda wenyu kuti ndiitirwe zvakanaka; Vanozvikudza ngavarege kundimanikidza. Meso angu apera nokutsvaka kuponesa kwenyu, Neshoko renyu rakarurama. Itirai muranda wenyu nounyoro hwenyu, Mundidzidzise mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu, ndipei njere; Kuti ndizive zvipupuriro zvenyu. Inguva yaJehovha yokubata nayo; Nokuti vakaputsa murau wenyu. Saka ndinoda mirairo yenyu Kupfuura ndarama, zvirokwazvo, kupfuura ndarama yakaisvonaka. Saka ndinoti, zvirevo zvenyu zvose pamusoro pezvose zvakarurama; Ndinovenga nzira dzose dzenhema. Zvipupuriro zvenyu zvinoshamisa; Saka mweya wangu unozvichengeta. Kuzarurwa kwamashoko enyu kunopa chiedza; Kunopa njere vasina mano. Ndakashamisa muromo wangu kwazvo, ndikatakwaira; Nokuti ndakashuva mirairo yenyu. Ringirirai kwandiri, mundinzwire nyasha, Sezvamunoitira vanoda zita renyu. Simbisirai kutsika kwangu mushoko renyu; Zvakaipa ngazvirege kutonga vane simba pamusoro pangu. Ndidzikinurei pakumanikidza kwomunhu; Naizvozvo ndichachengeta zvirevo zvenyu. Chiso chenyu ngachivhenekere muranda wenyu; Mundidzidzise mitemo yenyu. Nzizi dzemvura dzinoyerera pameso angu, Nokuti havachengeti murau wenyu. Imi makarurama, Jehovha, Nezvamakatonga zvakaruramawo. Makaraira zvipupuriro zvenyu nokururama Uye nokutendeka kukuru. Kushingaira kwangu kwakandipedza, Nokuti vadzivisi vangu vakakangwana mashoko enyu. Shoko renyu rakaisvonatswa; Saka muranda wenyu anorida. Ndiri muduku, ndakazvidzwa; Asi handikanganwi zvirevo zvenyu. Kururama kwenyu ndiko kururama kusingaperi, Nomurau wenyu izvokwadi. Nhamo nokumanikidzwa zvakandibata; Asi mirairo yenyu ndiwo mufaro wangu mukuru. Zvipupuriro zvenyu zvakarurama nokusingaperi; Ndipei njere, ndigorarama. Ndakadana nomwoyo wangu wose; ndipindurei, Jehovha; Ndichachengeta mitemo yenyu. Ndakadana kwamuri; ndiponesei, Ndigochengeta zvipupuriro zvenyu. Ndakatangira mambakwedza ndikadana; Ndakatarira mashoko enyu. Meso angu akatangira nguva dzousiku, Kuti ndifungisise shoko renyu. Inzwai izwi rangu nokuda kwounyoro hwenyu; Ndiponesei Jehovha, sezvinoreva zvamakatonga. Vanotevera zvakaipa voswedera pedyo; Vari kure nomurau wenyu. Imi muri pedyo, Jehovha; Mirairo yenyu izvokwadi. Kubva kare ndakaziva nezvipupuriro zvenyu Kuti makazviteya nokusingaperi.

Mapisarema 119:121-152 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ndakaita zviri pamutemo uye zvakarurama musandisiye mumaoko avanondidzvinyiriri vangu. Aini Tsidzai kuti ndimi muchabatsira ini muranda wenyu. Musarege vanozvikudza vachindidzvinyirira. Meso angu aneta nokutarisira ruponeso rwenyu nokuzadzikiswa kwechitsidzo chenyu chakarurama. Ndiitireiwo mwoyochena mundidzidzisewo mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu, ndipeiwo kunzwisisa kuti ndizive mitemo yenyu. Yasvika zvino nguva TENZI yokuti muchiwana zvamunoita nokuti mutemo uri kutyorwa. Naizvozvo ndinoda mitemo yenyu kupinda ndarama, kupinda ndarama yakanakisisa. Nezvo nemitemo yenyu ndinowana nzira kwayo, ndinovenga maitiro ose ounyengedzi. Mitemo yenyu yakanaka kwazvo ndokusaka ndichiichengeta. Shoko renyu parizvino ratambanuka, rinopa chiedza, rinopa vanhuwo zvavo kunzwisisa. Ndinofemereka ndakashama muromo nokuti ndinodisisa mitemo yenyu. Ndicheuke mundiitirewo zvakanaka zvamunongoita kuna vanoda zita renyu. Ndisimbisei tsoka sokutsidza kwamakaita uipi hurege kunditonga. Ndinunureiwo kuvadzvinyiriri kuitira kuti ndichengete mitemo yenyu. Ndiitireiwo mwoyo wakanaka, ini muranda wenyu, mundidzidzise mirau yenyu. Maziso angu anosvimha misodzi nokuti vanhu havachengeti mutemo wenyu. TENZI makarurama uye kutonga kwenyu kwakarurama. Tsadhe Makatema mirau yakarurama, iri pachokwadi chaipo. Ndinobaiwa mwoyo neshungu nokuti vavengi vangu vanokanganwa zvavo mazwi enyu. Chitsidzo chenyu ndechepachokwadi chaicho uye muranda wenyu anochida. Ndiri muduku zvangu uye ndinoshorwa asi handikanganwi mirau yenyu. Ururami hwenyu hwakarurama nokusingaperi uye mutemo wenyu ndewechokwadi. Nhamo nokurwadziwa mwoyo zvandiwira, asi ndinofarira mutemo wenyu. Mitemo yenyu yakarurama nokusingaperi ndipeiwo kunzwisisa ndirarame. Ndinochema nemwoyo wangu wose, ndipindureiwo TENZI ndichengete zvirevo zvenyu. Kofu Ndinochema kwamuri, ndiponeseiwo kuti ndichengete mitemo yenyu. Ndinotangira mambakwedza kumuka ndichikumbira rubatsiro, chitarisiro changu chiri mumashoko enyu. Ndinenge ndatosvinura maziso nguva inotsinhanha varindi isati yasvika kuti ndidzamise pfungwa nezvezvitsidzo zvenyu. Nemwoyochena wenyu, inzwai kuchema kwangu, TENZI ndiraramiseiwo noruenzaniso rwenyu. Vanonditambudza vari kuuya kwandiri nepfungwa dzakaipa, vari kure nomutemo wenyu. Asi imi muri padyo TENZI uye mitemo yenyu ndeyechokwadi. Ndakaziva kare zvemitemo yenyu kuti makaidzika nokusingaperi.

Mapisarema 119:121-152 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ndakaita ɀakatoŋgwa neɀakarurama; Musandiisa kuʋamanikidzi ʋaŋgu. Iʋai ruɓatso rwomuranda wenyu kuti ndiitirwe ɀakanaka; Ʋanoɀikudza ŋgaʋarege kundimanikidza. Meso aŋgu apera nokutȿaka kuponesa kwenyu, Neshoko renyu rakarurama. Itirai muranda wenyu noʋunyoro bgenyu, Mundidzidzise mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu, ndipei njere; Kuti ndiziʋe ɀipupuriro ɀenyu. Iŋguʋa yaJehova yokuɓata nayo; Nokuti ʋakaputsa murau wenyu. Saka ndinoɗa mirairo yenyu Kupfuʋura ndarama, ɀirokwaɀo, kupfuʋura ndarama yakaiȿo‐naka. Saka ndinoti, ɀireʋo ɀenyu ɀose pamsoro peɀose ɀakarurama; Ndinoʋeŋga nzira dzose dzenhema. Ɀipupuriro ɀenyu ɀinoshamisa; Saka mŋeya waŋgu unoɀiceŋgeta. Kuzarurwa kwamashoko enyu kunopa ciedza; Kunopa njere ʋasinamano. Ndakashamisa muromo waŋgu kwaɀo, ndikatakwaira; Nokuti ndakashuʋa mirairo yenyu. Riŋgirai kwandiri, mundinzwire nyasha, Seɀamunoitira ʋanoɗa zita renyu. Simbisirai kutsika kwaŋgu mushoko renyu; Ɀakaipa ŋgaɀirege kutoŋga ʋanesimba pamsoro paŋgu. Ndidzikinurei pakumanikidza kwomunhu; Naiɀoɀo ndicaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu. Ciso cenyu ŋgacivenekere muranda wenyu; Mundidzidzise mitemo yenyu. Nzizi dzemvura dzinoyerera pameso aŋgu, Nokuti haʋaceŋgeti murau wenyu. Imi makarurama, Jehova, Neɀamakatoŋga ɀakarurama ʋo. Makaraira ɀipupuriro ɀenyu nokururama Ʋuye nokutendeka kukuru. Kushiŋgaira kwaŋgu kwakandipedza, Nokuti ʋadziʋisi ʋaŋgu ʋakakaŋganwa mashoko enyu. Shoko renyu rakaiȿo‐natswa; Saka muranda wenyu unoriɗa. Ndiri muɗuku, ndakaɀidzwa; Asi handikaŋganwi ɀireʋo ɀenyu. Kururama kwenyu ndiko kururama kusiŋgaperi, Nomurau wenyu iɀokwaɗi. Nhamo nokumanikidzwa ɀakandiɓata; Asi mirairo yenyu ndiwo mufaro waŋgu mukuru. Ɀipupuriro ɀenyu ɀakarurama nokusiŋgaperi; Ndipei njere, ndigorarama. Ndakaɗana nomŋoyo waŋgu wose; ndipindurei, Jehova; Ndicaceŋgeta mitemo yenyu. Ndakaɗana kwamuri; ndiponesei, Ndigoceŋgeta ɀipupuriro ɀenyu. Ndakataŋgira mambakwedza, ndikaɗana; Ndakatarira mashoko enyu. Meso aŋgu akataŋgira ŋguʋa dzoʋusiku, Kuti ndifuŋgisise shoko renyu. Inzwai inzwi raŋgu nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu; Ndiponesei Jehova, seɀinoreʋa ɀamakatoŋga. Ʋanoteʋera ɀakaipa ʋosweɗera pedyo; Ʋari kure nomurau wenyu. Imi muri pedyo, Jehova; Mirairo yenyu iɀokwaɗi. Kubva kare ndakaziʋa neɀipupuriro ɀenyu Kuti makaɀiteya nokusiŋgaperi.

Mapisarema 119:121-152 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)