Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 112:1-9

Nziyo 112:1-9 SCLB

Areruya. Akakomborerwa zvake munhu anotya TENZI, anofarira mitemo yake zvikuru. Zvizukuru zvake zvichava zvakasimba panyika zvizvarwa zvakarurama zvichakomborerwa. Musha wake uchazara noupfumi nepfuma uye ururami hwake huchagara nokusingaperi. Chiedza chinovhenekera mururami murima. Wakanaka zvake munhu anoita mwoyochena uye anokweretesa anoita zvinhu zvake noruenzaniso. Mururami haambozunguziki acharangarirwa nokusingaperi. Haambotya marehwarehwa akaipa; akasimba mwoyo, anovimba naTENZI. Akagadzana mwoyo, haambotya kusvikira aona zvaanoda zvichiitika kumhandu dzake. Ndimupanegombe chaiye anopa kuvarombo; kururama kwake kunoramba kuripo nokusingaperi, simba rake rinorumbidzwa nomukurumbira.

Verenga chikamu Nziyo 112