Rumbidza TENZI iwe mweya wangu uye zvose zviri mandiri, rumbidzai zita rake rinoera. Rumbidza TENZI iwe mweya wangu; usakanganwe zvikomborero zvake zvose. Iye anoregerera uipi hwako hwose; anokurapa zvirwere zvako zvose anokununura kuti urege kuenda kuguva. Pamusoro pazvose anokuitira mwoyochena netsitsi. Anokugutsa nezvinhu zvakanaka upenyu hwako hwose achikugwinyisa zvokuti unoramba uri mudiki segondo. TENZI anomiririra nokuitira zvino ruenzaniso vose vanodzvinyirirwa. Akazivisa nzira dzake kuna Mosesi namabasa ake kuvanhu veIsiraeri. TENZI ane tsitsi nengoni haakurumidzi kushatirwa uye ane mwoyochena wakawanda. Haarambi achingotsiura kana kuramba akashatirwa. Haatiitiri zvakaenzana nezvitadzo zvedu kana kutipa mubayiro maererano nouipi hwedu. Sokukwira kwakaita denga kubva pasi ndokukura kwakaita mwoyochena wake kuna vanomutya. Sokutaramukana kwakaita kumabvazuva nokumadokero ndokutaramutsa kwaanoita zvikanganiso zvedu kubva kwatiri. Sezvinoita baba kunzwira tsitsi vana vavo, TENZI anoitirawo tsitsi vanomutya nokuti anoziva maumbirwo atakaitwa anoyeuka kuti tiri huruva. Asi munhu mazuva ake akaita souswa anokura seruva romusango. Mhepo inongoti pfuurei napariri irowo hutu kuenda, nzvimbo yaro haizomboriziva. Asi mwoyochena waTENZI uripo narini narini kuna vanomutya uye ururami hwake hunosvika kuvana vavana kuna vanochengeta chitenderano chake uye vanoyeuka kuchengeta mitemo yake.
Verenga chikamu Nziyo 103
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 103:1-18
5 Days
‘Tis the season to be jolly, but also very busy. Come away for a few moments of rest and worship that will sustain you throughout the merry labors of the season. Based on the book Unwrapping the Names of Jesus: An Advent Devotional , this 5-day devotional reading plan will guide you to receive Jesus’ rest this Christmas by taking moments to remember His goodness, express your neediness, seek His stillness, and trust His faithfulness.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo