Rumbidzai Jehovha, mweya wangu; Zvose zviri mukati mangu ngazvirumbidze zita rake dzvene. Rumbidza Jehovha, mweya wangu, Urege kukanganwa mikomborero yake; Iye, anokanganwira zvakaipa zvako zvose; Anoporesa kurwara kwako kwose; Anodzikinura hupenyu hwako pakuparadzwa; Anokuisa korona younyoro nengoni; Anogutisa mwoyo wako nezvakanaka; Kuti utsva hwako huvandudzwe segondo. Jehovha anoita zvinhu zvakarurama, Nokururamisira vose vanomanikidzwa. Akazivisa Mosesi nzira dzake, Navana vaIsiraeri zvaakaita. Jehovha anetsitsi nenyasha, Haachimbidziki kutsamwa, ane ngoni zhinji. Haangarambi achirwa; Uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi. Haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu, Kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu. Nokuti sokukwirira kwokudenga kumusoro, Ndizvo zvakaita kukura kwengoni dzake kuna vanomutya. Sokuva kure kwamabvazuva namavirira, Saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwose kure nesu. Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, Saizvozvo Jehovha anonzwira tsitsi vanomutya. Nokuti iye anoziva chatakaitwa nacho, Anorangarira kuti tiri guruva. Kana ari munhu, mazuva ake akaita souswa; Seruva resango, iye anokura saizvozvo. Nokuti imhepo inopfuura pamusoro paro, onei raenda; Nenzvimbo yaro haicharizivi. Asi ngoni dzaJehovha dziripo nokusingaperi-peri kuna vanomutya, Nokururama kwake kuvana vavana vavo; kuna ivo vanochengeta sungano yake, Nokuna vanorangarira zvaakaraira, kuti vazviite.
Verenga chikamu Mapisarema 103
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 103:1-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo