Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 10:1-15

Nziyo 10:1-15 SCLB

Ko munomirireiko kure nhai TENZI? Ko munozvivanzireiko panguva yenhamo? Munhu wakaipa anototi sika sika zvake kudzingirira murombo. Itai kuti vabatwe nemisungo yavakazviteera nokuti munhu akaipa anotozvirovera dundundu havi dzake. Munhu ana makaro anoshonha nokuramba TENZI. Munhu wakaipa, nokuzvikudza kwake, muna zvose zvaanofunga haana basa naTENZI, anoti, “Hakuna Mwari.” Zvose zvaanoita zvinobudirira. Matongero enyu ari kure naye; ari kokoko kumusoro kure naye; kana zviri zvavavengi vake, anovasinamisira uso. Anozviti nechomumwoyo, handimbotsukunyuki, pazvizvarwa zvose hapana chinondiwana. Kurengerera rushambwa, nounyengedzi nokutyisidzira zvinogara zviri pamuromo pake. Rurimi rwake nderwomusikanzwa nouipi. Anohwandira mumamisha achiuraya vasina mhosva muchivande; maziso ake anonyatsotarisa vanenge vawiramo; anonyangira muchivande seshumba; anonyangira kuti abate varombo; anobata murombo kana amukwevera mumambure ake. Vanenge vawira, vanopwanyiwa vachitoti mvuchata pasi pamusana pesimba rake. Anofunga kuti Mwari anokanganwa; anozarira maziso ake; haambondioni. Simukai, TENZI Mwari simudzai ruoko rwenyu regai kukanganwa vatamburi. Chii chinopa kuti wakaipa ashore Mwari, achizviti, mumwoyo make, Mwari haandiripise. Imi munoona zvenyu, hongu matambudziko nenhamo munozviona; munozvibata kuti muzotsividza noruoko rwenyu, nherera dzinozviisa mumaoko enyu imi mubatsiri wenherera. Tyorai simba roruoko rwowakaipa nomutadzi uipi hwake hutsvakei kusvikira pasisina.

Verenga chikamu Nziyo 10