Mapisarema 10:1-15
Mapisarema 10:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munomirireiko kure, Jehovha? Munozvivanzireiko panguva dzokutambudzika? Pakuzvikudza kwake akaipa anotambudza murombo zvikuru; Ngavabatwe namano avakafunga. Nokuti wakaipa anozvirumbidza pamusoro pezvinoda mwoyo wake, Anoruchiva anoramba Jehovha nokumuzvidza. Nokuzvikudza kwechiso chake, wakaipa anoti, “Haangabvunzi.” Ndangariro dzake dzose dzinoti, “Hakuna Mwari.” Nzira dzake dzakasimba nguva dzose; Zvamunotonga imi zviri kure kumusoro, haazvioni; Kana vari vadzivisi vake vose, anovashora. Anoti mumwoyo make, “Handingazununguswi; Handingavi panhamo kusvikira kumarudzi angu ose.” Muromo wake uzere nokutuka nokunyengera nokumanikidza; Zvakashata nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake. Anogara panzvimbo dzokuvanda dzemisha; Pakavanda ndipo paanouraya asina mhosva; Meso ake anovandira asina wokumubatsira. Anovandira pakavanda seshumba panzvimbo yayo; Anovanda kuti abate murombo; Anobata murombo, kana achimukakatira mumumbure wake. Anonyangira, anokotama pasi, Vasina mubatsiri vanowiswa nesimba rake. Anoti mumwoyo make, “Mwari akanganwa; Anovanza chiso chake, haangatongozvioni.” Simukai Jehovha; Mwari simudzai ruoko rwenyu; Regai kukanganwa varombo. Akaipa anozvidzireiko Mwari, Achiti mumwoyo wake, “Hangabvunzi?” Mazviona henyu; nokuti munoona kutambudzika nokuchema, kuti muzvibate muruoko rwenyu; asinamubatsiri anozviisa kwamuri; Makava mubatsiri wenherera. Vhunai ruoko rwowakaipa. Kana ari munhu akashata, nzverai zvakaipa zvake, kusvikira musingazozviwani.
Mapisarema 10:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munomirireiko kure, imi Jehovha? Munozvivanzireiko panguva yokutambudzika? Pakuzvikudza kwake munhu akaipa anovhima vasina simba, vanobatwa namano okufunga kwake. Anozvirumbidza pamusoro pezvinopangwa nomwoyo wake; anoropafadza vanokara uye anozvidza Jehovha. Pakuzvikudza kwake akaipa haamutsvaki; mundangariro dzake dzose hamuna nzvimbo yaMwari. Nzira dzake dzinobudirira nguva dzose; anozvikudza uye mirayiro yenyu iri kure naye; anodadira vavengi vake vose. Anoti pakufunga kwake, “Hakuna chichandizungunusa; ndichagara ndakafara uye handingatongotambudziki.” Muromo wake uzere nokutuka, kureva nhema, uye nokutyisidzira; matambudziko nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake. Anovandira ari pedyo nemisha; pakuvandira uku anouraya vasina mhosva, ari panzvimbo yakavanzika anotarira vaachaparadza. Anovandira seshumba iri panzvimbo yayo; anovandira kuti abate vasina anovabatsira; anobata vasina anobatsira uye anovakweva achienda navo mumumbure wake. Vabatwa vake anovapwanya, vanowa; vanowira pasi pesimba rake. Anoti mumwoyo make, “Mwari akanganwa; akafukidza chiso chake uye haazoonizve.” Simukai, imi Jehovha! Simudzai ruoko rwenyu, imi Mwari. Regai kukanganwa vanomanikidzwa. Munhu akaipa anozvidzireiko Mwari? Seiko achiti mumwoyo make, “Haazondibvunzi?” Asi imi, iyemi Mwari, munoona kutambudzika nokusuwa; munokutarisisa kuti mukupedze. Asina simba anozviisa kwamuri; muri mubatsiri wenherera. Vhunai ruoko rweakaipa nerwomunhu akaipa; ngaazvidavirire pazvakaipa zvake zvakanga zvisingazoonekwi.
Mapisarema 10:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko munomirireiko kure nhai TENZI? Ko munozvivanzireiko panguva yenhamo? Munhu wakaipa anototi sika sika zvake kudzingirira murombo. Itai kuti vabatwe nemisungo yavakazviteera nokuti munhu akaipa anotozvirovera dundundu havi dzake. Munhu ana makaro anoshonha nokuramba TENZI. Munhu wakaipa, nokuzvikudza kwake, muna zvose zvaanofunga haana basa naTENZI, anoti, “Hakuna Mwari.” Zvose zvaanoita zvinobudirira. Matongero enyu ari kure naye; ari kokoko kumusoro kure naye; kana zviri zvavavengi vake, anovasinamisira uso. Anozviti nechomumwoyo, handimbotsukunyuki, pazvizvarwa zvose hapana chinondiwana. Kurengerera rushambwa, nounyengedzi nokutyisidzira zvinogara zviri pamuromo pake. Rurimi rwake nderwomusikanzwa nouipi. Anohwandira mumamisha achiuraya vasina mhosva muchivande; maziso ake anonyatsotarisa vanenge vawiramo; anonyangira muchivande seshumba; anonyangira kuti abate varombo; anobata murombo kana amukwevera mumambure ake. Vanenge vawira, vanopwanyiwa vachitoti mvuchata pasi pamusana pesimba rake. Anofunga kuti Mwari anokanganwa; anozarira maziso ake; haambondioni. Simukai, TENZI Mwari simudzai ruoko rwenyu regai kukanganwa vatamburi. Chii chinopa kuti wakaipa ashore Mwari, achizviti, mumwoyo make, Mwari haandiripise. Imi munoona zvenyu, hongu matambudziko nenhamo munozviona; munozvibata kuti muzotsividza noruoko rwenyu, nherera dzinozviisa mumaoko enyu imi mubatsiri wenherera. Tyorai simba roruoko rwowakaipa nomutadzi uipi hwake hutsvakei kusvikira pasisina.
Mapisarema 10:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munomirireiko kure, Jehova? Munoɀiʋanzireiko paŋguʋa dzokutambudzika? Pakuɀikudza kwake wakaipa unotambudza murombo ɀikuru; Ŋgaʋaɓatwe namano aʋakafuŋga. Nokuti wakaipa unoɀirumbidza pamsoro peɀinoɗa mŋoyo wake, Unoruciʋa unoramba Jehova nokumuɀidza. Nokuɀikudza kweciso cake, wakaipa unoti: Haaŋgabvunzi. Ndaŋgariro dzake dzose dzinoti: HakunaMŋari. Nzira dzake dzakasimba ŋguʋa dzose; Ɀamunotoŋga imi ɀiri kure kumsoro, haaɀiʋoni; Kana ʋari ʋadziʋisi ʋake ʋose, unoʋashoʋora. Unoti mumŋoyo make: Handiŋgazunuŋguswi; Handiŋgaʋi panhamo kuȿikira kumarudzi aŋgu ose. Muromo wake uzere nokutuka nokunyeŋgera nokumanikidza; Ɀakashata neɀakaipa ɀiri pasi porurimi rwake. Unogara panɀimbo dzokuʋanda dzemisha; Pakaʋanda ndi’po paanoʋuraya usinemhoȿa; Meso ake anoʋandira usina‐wokumuɓatsira. Unoʋandira pakaʋanda seshumba panɀimba yayo; Unoʋanda kuti aɓate murombo; Unoɓata murombo, kana acimukakatira mumumbure wake. Unonyaŋgira, unokotama pasi, Ʋasinomuɓatsiri ʋanowiswa nesimba rake. Unoti mumŋoyo make: Mŋari wakaŋganwa; Unoʋanza ciso cake, haaŋgatoŋgoɀiʋoni. Simukai Jehova; Mŋari simudzai ruʋoko rwenyu; Regai kukaŋganwa ʋarombo. Wakaipa unoɀidzireiko Mŋari, Aciti mumŋoyo wake: Haaŋgabvunzi? Maɀiʋona henyu; nokuti munoʋona kutambudzika nokucema, kuti muɀiɓate muruʋoko rwenyu; Usinomuɓatsiri unoɀiisa kwamuri; Makaʋa muɓatsiri wenherera. Vunai ruʋoko rwowakaipa. Kana ari munhu wakashata, nɀerai ɀakaipa ɀake, kuȿikira musiŋgazoɀiwani.
Mapisarema 10:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)