Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 10:1-15

Mapisarema 10:1-15 SUB1949

Munomirireiko kure, Jehova? Munoɀiʋanzireiko paŋguʋa dzokutambudzika? Pakuɀikudza kwake wakaipa unotambudza murombo ɀikuru; Ŋgaʋaɓatwe namano aʋakafuŋga. Nokuti wakaipa unoɀirumbidza pamsoro peɀinoɗa mŋoyo wake, Unoruciʋa unoramba Jehova nokumuɀidza. Nokuɀikudza kweciso cake, wakaipa unoti: Haaŋgabvunzi. Ndaŋgariro dzake dzose dzinoti: HakunaMŋari. Nzira dzake dzakasimba ŋguʋa dzose; Ɀamunotoŋga imi ɀiri kure kumsoro, haaɀiʋoni; Kana ʋari ʋadziʋisi ʋake ʋose, unoʋashoʋora. Unoti mumŋoyo make: Handiŋgazunuŋguswi; Handiŋgaʋi panhamo kuȿikira kumarudzi aŋgu ose. Muromo wake uzere nokutuka nokunyeŋgera nokumanikidza; Ɀakashata neɀakaipa ɀiri pasi porurimi rwake. Unogara panɀimbo dzokuʋanda dzemisha; Pakaʋanda ndi’po paanoʋuraya usinemhoȿa; Meso ake anoʋandira usina‐wokumuɓatsira. Unoʋandira pakaʋanda seshumba panɀimba yayo; Unoʋanda kuti aɓate murombo; Unoɓata murombo, kana acimukakatira mumumbure wake. Unonyaŋgira, unokotama pasi, Ʋasinomuɓatsiri ʋanowiswa nesimba rake. Unoti mumŋoyo make: Mŋari wakaŋganwa; Unoʋanza ciso cake, haaŋgatoŋgoɀiʋoni. Simukai Jehova; Mŋari simudzai ruʋoko rwenyu; Regai kukaŋganwa ʋarombo. Wakaipa unoɀidzireiko Mŋari, Aciti mumŋoyo wake: Haaŋgabvunzi? Maɀiʋona henyu; nokuti munoʋona kutambudzika nokucema, kuti muɀiɓate muruʋoko rwenyu; Usinomuɓatsiri unoɀiisa kwamuri; Makaʋa muɓatsiri wenherera. Vunai ruʋoko rwowakaipa. Kana ari munhu wakashata, nɀerai ɀakaipa ɀake, kuȿikira musiŋgazoɀiwani.