Mwanangu ukati ndiwe wokumiririra chikwereti chomumwe uchitsidza panzvimbo pomumwe, kana wateewa mukutaura kwomuromo wako wabatwa mumazwi omuromo wako zvaunofanira kuita ndezvizvi, mwanangu, kuitira kuti uzvinunure nokuti unenge watowira mumaoko omumwe wako. Enda uzvirereke utadzise mumwe wako iyeyo kudya rinopisa. Usambobvuma zvako kuti meso ako abatwe nehope kana kutsomwaira nehope. Zvinunure semhara kumuvhimi kana seshiri mumaoko omutei weshiri. Iwe tsimbe, enda kumujuru uongorore maitiro awo udzidze ungwaru. Mujuru hauna mambo, hauna muchinda kana mutongi asi unogadzirira sadza rawo muzhizha unounganidza chokudya chawo pakukohwa. Uchasvika riniko wakarara nhaiwe tsimbe uchamuka riniko muhope dzako? Izvo zvokuti, “Regai ndimboti kotsire kashoma.” “Regai ndimboti tsomwaire kashoma. Ndimboti maoko gumbate kuzorora.” Urombo hunobva hwati pauri tutururu serombe uye kushaiwa kunouya kwauri somunhu akapakata zvombo zvokurwa. Nhubu munhu akaipa anongofamba achikanganisa mashoko. Anochonya maziso anotondeka netsoka dzake achinongedzera nongedzera neminwe yake. Anoronga twaanoronga nomwoyo wakashata achiramba achingokonzera manyongori. Nhamo inoyerekana yamuwira, nenguva isipi anotyorwa-tyorwa zvisina karapiro.
Verenga chikamu Tsumo 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Tsumo 6:1-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo