Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 6:1-15

Zvirevo 6:1-15 SNA2002

Mwanakomana wangu, kana uchinge wakazviitira wokwako rubatso, Wazvisunga nokuda kwomutorwa noruoko rwako, Wazviteya namashoko omuromo wako, Wabatwa namashoko omuromo wako, Zvino ita kudai, mwanakomana wangu, uzvirwire, Zvawabatwa noruoko rwowokwako, Enda, undozvininipisa, ukumbire zvikuru kunowokwako. Usatendera meso ako hope, Kana mafungiro ameso ako kutsimwaira; Uzvirwire semhara paruoko rwomuvhimi, Seshiri paruoko rwomuteyi. Enda kumujuru, iwe simbe; Cherekedza nzira dzawo ugova wakachenjera! Kunyange iwo usina mutongi, Kana mutariri kana mubati, Unogadzira zvokudya zvawo muzhizha, Nokuunganidza zvokudya zvawo mukukohwa. Iwe simbe, uchavata pasi kusvikira riniko? Uchamuka riniko pahope dzako? Kumbovata zvishomanene, kumbotsimwaira zvishomanene, Kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore; Saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu wakashonga nhumbi dzokurwa. Munhu asina maturo, munhu anoita zvakaipa, Ndiye anofamba nomuromo une nhema; Anobwaira nameso ake, anotendekera netsoka dzake, Anodudzira neminwe yake; Ane zvisakarurama pamwoyo pake, Anosifungira vamwe zvakaipa, Anokusha kupesana. Saka njodzi yake ichamuwira kamwe-kamwe; Achavhuniwa pakarepo, kusina chingamubatsira.

Verenga chikamu Zvirevo 6