Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 5:1-6

Tsumo 5:1-6 SCLB

Mwanangu teerera ungwaru hwangu rerekera nzeve yako kumazwi angu okunzwisisa kuti uchengetedze kuziva kusarudza uye miromo yako ichengete ruzivo. Miromo yomukadzi asiwako inodonha uchi zvaanotaura zvinotsvedzerera kupinda mafuta asi pokupedzisira anokarakata segavakava akapinza sebakatwa rinocheka kose. Tsoka dzake dzinoenda kurufu nhanho dzake kuvafi ndiko kwadzo. Haambofungi nezvenzira inoeda kuupenyu, nzira dzake dzinopota-pota asi haazvizivi.

Verenga chikamu Tsumo 5