Chinzwai vanangu chidzidziso chababa muteerere kuti muone zvinhu nemazvo nokuti ndichakupai mirao yakanaka, musakande pasi zvandinokudzidzisai. Zvandaiva mukomana ndiina baba vangu, ndichiri mudiki, ndichingove ndini mwana mumwechete waamai vangu vakandidzidzisa vachiti, “Chengeta nomwoyo wose zvandinokutaurira chengeta mitemo yangu kuti urarame. Iva noungwaru uone zvinhu nemazvo usakanganwe, usatsauke pamashoko omuromo wangu. Usasiane noungwaru, ihwo huchakuchengeta hude, ihwo huchakuchengetedza. Chinhu chokutanga paungwaru, wana ungwaru. Pana zvose zvaungawane wana kunzwisisa.” Huremekedze zvikuru ihwo huchakusimudzira kana ukahumbundira.
Verenga chikamu Tsumo 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Tsumo 4:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo