Imi vanakomana, inzwai kurairira kwababa venyu; Teererai, muzive njere. Nokuti ndinokupai dzidziso yakanaka; Regai kurasha murayiro wangu. Nokuti ini ndakanga ndiri mwanakomana kuna baba vangu, Mwana oga akadikanwa kwazvo, namai vangu; Ivo baba vakandidzidzisa, vakati kwandiri, “Mwoyo wako ngaunatsobata mashoko angu; Chengeta mirairo yangu, urarame. Zviwanire uchenjeri, zviwanire njere; Regai kukanganwa kana kutsauka pamashoko omuromo wangu; Usaurasha, hugokuchengeta; Uude, hugokurinda. Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire uchenjeri; Uzviwanire njere nezvose zvaunazvo. Uhukudze, hugokukwiridza iwe; Huchakuvigira kukudzwa, kana uchihumbundikira.
Verenga chikamu Zvirevo 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 4:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo