Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 3:1-35

Tsumo 3:1-35 SCLB

Mwanangu usakanganwe chidzidziso changu, mwoyo wako ngauchengete mitemo yangu nokuti zvichakupa mazuva mazhinji namakore oupenyu akawanda uye kugarika kukuru. Usasiane nokuvimbika nokutendeseka zvisungirire muhuro, zvinyore pachiredhi chemwoyo wako. Naizvozvo uchava nezita rakanaka uchifarirwa naMwari navanhu. Vimba naTenzi nomwoyo wako wose usavimbe nokuona kwako zvinhu nemazvo. Muzviito zvako zvose muzive, iye achatasanudza nzira dzako usazviite munhu anoziva itya Tenzi ufuratire uipi. Zvichakurapa muviri wako zvigonyava mapfupa ako. Remekedza Tenzi nezvaunazvo uye nembesanwa dzinotanga kuibva. Matura ako anobva azadzwa nezvakawanda makuvi ako ewaini anozopfachukira. Mwanangu usashore kudzidziswa kwaunoitwa naTenzi kana kuneta nokukutsiura kwaanoita nokuti Tenzi anotsiura wavanoda sezvinoita baba mwana waanoda. Akakomborerwa munhu anowana ungwaru, munhu anowana kunzwisisa, nokuti zvinowanikwa mahuri zviri nani pano zvinowanikwa musirivha uye zvibereko zvahwo zvinokunda zvibereko zvendarama. Ungwaru hwakakosha kukunda zvishongo, hapana chaungade chingaenzaniswe nahwo. Murudyi rwahwo muno upenyu hurefu muruboshwe mahwo muno upfumi norukudzo. Nzira dzahwo inzira dzinofadza uye maitiro ahwo ndoorugare. Muti woupenyu kuna vanohuwana. Vanohubatisisa vanonzi vakakomborerwa zvavo. Noungwaru Tenzi akadzika ugaro hwapasi akamisawo nokunzwisisa kwake denga. Noruzivo rwake akaita pasi-pasi patubuke mvura uye kuti makore adonhedze dova. Mwanangu chengeta ungwaru chaihwo uye kugona kusarudza ngazvirege kupunyuka maziso ako. Zvichava hupenyu hwako uye chishongo chomutsipa wako. Ipapo unozofamba nzira yako pasina chinokuwana tsoka yako haizogumburwi. Kana wagara hauzotya uye paunorara uchavata hope dzakanaka. Hauzotya chivhundumukira chezvinotyisa kana pfumvu yowira vaipi, nokuti Tenzi ndiye waunovimba naye. Iye achachengeta tsoka yako kuti irege kubatwa nomusungo. Usarege kuitira munhu anokodzera kuitirwa zvakanaka kana uchizvikwanisa. Usati kuno mumwe wako enda zvako uzouyazve, mangwana ndozokupa asi iwe uinacho. Usaronge kuitira mumwe wako zvakaipa anogara pamwechete newe achivimba newe. Rega kumutsana nomunhu pasina chiripo, asina chaakutadzira. Usaitire shanje munhu weganyavhu usasarudze kana imwe yenzira dzake nokuti Tenzi anosema munhu ano mwoyo wakaipa asi munhu ari pachokwadi munhu wake wapamwoyo. Tenzi anoita kuti imba yomunhu wakaipa iwirwe norushambwa asi dzimba dzavakarurama anodzikomborera. Vanoshora anovashorawo asi vanozvidukupisa anovaitira mwoyochena. Vangwaru vanowana mugove worukudzo asi mapenzi, chavo kuwanziridza kunyara.

Verenga chikamu Tsumo 3