Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 3:1-35

Zvirevo 3:1-35 SNA2002

Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu; Asi mwoyo wako ngauchengete mirairo yangu; Nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, Namakore ohupenyu, norugare. Rudo nezvokwadi ngazvirege kukusiya; Uzvisungire pamutsipa wako; Uzvinyore pahwendefa romwoyo wako; Nokudaro uchawana nyasha nenjere dzakanaka Pamberi paMwari navanhu. Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose. Usazviti ndakachenjera; Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa; Zvichava mushonga womuviri wako, Nomwongo wamapfupa ako. Kudza Jehovha nezvaunazvo, Uye nezvitsva zvazvose zvawakawana; Ipapo matura ako achazadzwa nezvakawanda, Makate ako achapfachuka newaini itsva. Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha; Usaneta nokuraira kwake. Nokuti Jehovha anoraira mudikanwa wake; Sezvinoita baba mwanakomana wavo wavanofarira. Munhu, awana uchenjeri, anomufaro, Naiye munhu, anowana njere. Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivha; Nokupfuma nahwo kunopfuura kupfuma nendarama. Unokosha kupfuura korari; Hakune pfuma yako ingaenzaniswa nahwo. Mazuva mazhinji ohupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; Muruoko rwahwo rworuboshwe mune pfuma nokukudzwa. Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza; Makwara ahwo ose ndoorugare. Ndiwo muti woupenyu kuna vanohunamatira; Mumwe nomumwe anohubata anomufaro. Jehovha akateya pasi nouchenjeri; Wakasimbisa kudenga-denga nenjere. Mvura iri makadzika yakadzutuka nezivo yake; Denga rose rakadonha dova. Mwanakomana wangu, ngazvirege kubva pameso ako; Chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara. Ipapo zvichava upenyu hwomweya wako; Noukomba pamutsipa wako. Ipapo uchafamba nenzira yako wakasimba; Rutsoka rwako harungagumburwi. Kana uchivata pasi haungatyi; Uye kana wavata pasi hope dzako dzichava dzakanaka. Usatya hako chivhunduso chinokuwira kamwe-kamwe, Kunyange kuparadzwa kwavakaipa, kana kuchisvika; Nokuti Jehovha achava chivimbo chako; Achachengeta rutsoka rwako, kuti rurege kubatwa. Munhu, akafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka Kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita. Usati kunowokwako, “Enda, ugodzokazve, Mangwana ndichakupa;” Kana uchinge unazvopo. Usafunga kuitira wokwako zvakaipa, Zvaanogara hake newe achikutenda. Usarwa nomunhu pasina mhosva, Kana asina kukuitira zvakaipa. Usagodora munhu anomanikidza; Usatevera kunyange nomumwe wemitoo yake. Nokuti mutsauki inyangadzi kuna Jehovha; Asi ano hukama navakarurama. Kutukwa naJehovha kuri mumba mowakaipa; Asi unoropafadza ugaro hwavakarurama. Kana vari vadadi, anovadadira, Asi vanozvininipisa anovaitira nyasha. Vakachenjera vachagara nhaka yokukudzwa; Asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa.

Verenga chikamu Zvirevo 3