Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 19:15-29

Tsumo 19:15-29 SCLB

Nungo dzinopfodoresa munhu hope, nyope yomunhu inofa nenzara. Munhu anochengeta mutemo anozvichengeta upenyu asi anoshora nzira dzaTenzi anofa. Munhu anoita mwoyochena kumurombo, anokweretesa kuna Tenzi, anomuripa zvaanenge aita zvacho. Raira mwana wako achiri kunzwa asi kwete zvokutoda kumuuraya. Munhu ane hasha dzakawanda achawana mubayiro wadzo nokuti ukamurandutsira uchatozomurandutsirazve. Teerera zano raunopiwa ugamuchire kudzidziswa kwaunoitwa kuti uwane ungwaru muneramangwana. Munhu anogona kuzvirongera, mumusoro make, zvinhu zvakawanda asi zvinodiwa naTenzi ndizvo zvinozoitika. Chinodiwa pamunhu kuvimbika, murombo ari nani pano murevi wenhema. Kutya Tenzi kunosvitsa kuupenyu uye anako anogadzana mwoyo, hapana chinomuwana. Nyanungo anoti ruoko mundiro tindindi agoita nungo dzokurudzorera kumuromo. Rova tsvuuramuromo dununu rinodzidza ungwaru, ukatsiura munhu anonzwisisa anowana ruzivo. Mwana anorova baba achitandanisa amai vake, mwana anonyadzisa uye anoshoresa. Mwanangu kana uchida kurasika pamashoko oruzivo kanda pasi zvidzidziso. Chapupu chinoreva nhema chinoshora ruenzaniso muromo womuipi unokambura uipi. Chirango chakamirira vanoshora, shamhu yakamirira misana yamapenzi.

Verenga chikamu Tsumo 19