Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 16:1-16

Tsumo 16:1-16 SCLB

Munhu anogona kuronga zvinhu mumwoyo make asi zvaanozotaura norurimi rwake zvinenge zvatobvumidzwa naTenzi. Zviito zvomunhu zvingatarisike sezvakanaka kumuridzi wazvo asi Tenzi anoyera zvinangwa zvomunhu. Turira basa rako kuna Tenzi zvirongwa zvako zvinobudirira. Tenzi anebasa raakasikira chimwe nechimwe kunyange vakaipa vane zuva ravo repfumvu. Munhu wose anozvitutumadza, Tenzi anomusema kurangwa haambofa akapotsana nako. Mwoyo wakanaka nokutendeseka zvinopfupira zvitadzo kutya Tenzi kunoita kuti munhu anzvenge uipi. Kana Tenzi afadzwa noupenyu hwomunhu anosandura vavengi vake achivaita shamwari dzake. Zviri nani kuva nezvishoma munhu ari mururami pane kuva nezvakawanda asi pasina ruenzaniso. Munhu anogona kuzvirongera zvaanoda kuita asi Tenzi ndiye anototungamirira kufamba kwake. Mambo anotaura seane kamuti mukanwa, kana wotonga haapotsi. Zviero nezvikero zvakarurama ndezvaTenzi kunyange zvokueresa zviri mutsapo ndezvake. Kuita zvakaipa kunosemesa kumadzimambo nokuti umambo hunotsigirwa noururami. Muromo unotaura zvakarurama unofadza mambo uye anoda munhu anotaura zvakarurama. Hasha dzamambo iyambiro yorufu, munhu akangwara anoedza kudzipodza. Kufaranuka uso kwamambo kunoreva upenyu kufarirwa namambo kwakaita samakore anounza mvura yomunhuruka. Kuwana ungwaru, kuri nani pano kuwana ndarama, kuva nokunzwisisa ndiko kunofanira kusarudzwa pane kusarudza sirivha.

Verenga chikamu Tsumo 16