Zvirevo 16:1-16
Zvirevo 16:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kuronga kwomwoyo ndekwomunhu, asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha. Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakanaka pakuona kwake, asi Jehovha anoyera zvinangwa. Kumikidza kuna Jehovha chose chaunoita, ipapo urongwa hwako huchabudirira. Jehovha anoitira zvinhu zvose magumo azvo; kunyange akaipa anomuitira zuva renjodzi. Jehovha anovenga vose vane mwoyo inozvikudza. Zvirokwazvo, havangaregi kurangwa. Kubudikidza norudo nokutendeka, chivi chinoyananisirwa, kubudikidza nokutya Jehovha munhu anorega kuita zvakaipa. Kana nzira dzomunhu dzichifadza Jehovha, anoita kuti kunyange vavengi vake vagarisane naye murugare. Zviri nani kuva nezvishoma mukururama, pane kuva nezvakawanda kwazvo mukusaruramisira. Mumwoyo make munhu anoronga gwara rake, asi Jehovha ndiye anotonga kufamba kwake. Miromo yamambo inotaura seinotaura chirevo chaMwari, uye muromo wake haufaniri kurega kururamisira. Zviyero nezvienzaniso zvechokwadi zvinobva kuna Jehovha; zviyero zvose zviri muhomwe ndiye akazviita. Madzimambo anovenga kuita zvakaipa, nokuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama. Madzimambo anofarira miromo inotaura chokwadi; anoremekedza munhu anotaura chokwadi. Kutsamwa kwamambo inhume yorufu, asi munhu akachenjera anonyaradza kutsamwa uku. Kana chiso chamambo chichibwinya, zvinoreva upenyu, nyasha dzake dzakaita segore remvura panguva yomunakamwe. Zviri nani sei kuwana uchenjeri pane goridhe, kusarudza njere pane sirivha!
Zvirevo 16:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kurangarira kwomwoyo ndokwomunhu; Asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha. Nzira dzose dzomunhu anoti dzakanaka pakuona kwake; Asi Jehovha anoyera zvinangwa. Isa mabasa ako ose kuna Jehovha, Zvawakarangarira zvigoitika. Jehovha akaitira chinhu chimwe nechimwe basa racho; Zvirokwazvo kunyange nowakaipa akaitirwa zuva rezvakashata. Mumwe nomumwe, anomwoyo unozvikudza, anonyangadza Jehovha; Zvirokwazvo, haangakoni kurohwa. Zvakaipa zvinodzikinurwa nenyasha nezvokwadi; Nokutya Jehovha vanhu vanobva pane zvakashata. Kana nzira dzomunhu dzichifadza Jehovha, Anomuyananisira kunyange namapfumo ake. Zviri nani kuva nezvishoma nokururama, Pakuva nepfuma zhinji nokusarurama. Mwoyo womunhu anozvifungira nzira yake; Asi Jehovha anorairira kufamba kwake. Miromo yamambo inotema zvirevo zvazvokwadi; Muromo wake haungaposhi pakutonga. Chiyero nechienzaniso, chisinganyengeri, chinobva kuna Jehovha; Zviidzo zvose zvehombodo ibasa rake. Zvinonyangadza kana madzimambo achiita zvakaipa; Nokuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama. Madzimambo anofadzwa nemiromo yakarurama; Anotaura zvinhu zvakarurama anodikanwa naye. Kutsamwa kwamambo kwakaita senhume dzorufu; Asi munhu akachenjera anokunyaradza. Upenyu huri pakubwinya kwechiso chamambo; Kana achifara munhu zvakaita segore remvura yokupedzisira. Kuwana uchenjeri kunokunda sei kuwana ndarama; zviri nani kutsaura kuwana njere pakuwana sirivha.
Zvirevo 16:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu anogona kuronga zvinhu mumwoyo make asi zvaanozotaura norurimi rwake zvinenge zvatobvumidzwa naTenzi. Zviito zvomunhu zvingatarisike sezvakanaka kumuridzi wazvo asi Tenzi anoyera zvinangwa zvomunhu. Turira basa rako kuna Tenzi zvirongwa zvako zvinobudirira. Tenzi anebasa raakasikira chimwe nechimwe kunyange vakaipa vane zuva ravo repfumvu. Munhu wose anozvitutumadza, Tenzi anomusema kurangwa haambofa akapotsana nako. Mwoyo wakanaka nokutendeseka zvinopfupira zvitadzo kutya Tenzi kunoita kuti munhu anzvenge uipi. Kana Tenzi afadzwa noupenyu hwomunhu anosandura vavengi vake achivaita shamwari dzake. Zviri nani kuva nezvishoma munhu ari mururami pane kuva nezvakawanda asi pasina ruenzaniso. Munhu anogona kuzvirongera zvaanoda kuita asi Tenzi ndiye anototungamirira kufamba kwake. Mambo anotaura seane kamuti mukanwa, kana wotonga haapotsi. Zviero nezvikero zvakarurama ndezvaTenzi kunyange zvokueresa zviri mutsapo ndezvake. Kuita zvakaipa kunosemesa kumadzimambo nokuti umambo hunotsigirwa noururami. Muromo unotaura zvakarurama unofadza mambo uye anoda munhu anotaura zvakarurama. Hasha dzamambo iyambiro yorufu, munhu akangwara anoedza kudzipodza. Kufaranuka uso kwamambo kunoreva upenyu kufarirwa namambo kwakaita samakore anounza mvura yomunhuruka. Kuwana ungwaru, kuri nani pano kuwana ndarama, kuva nokunzwisisa ndiko kunofanira kusarudzwa pane kusarudza sirivha.
Zvirevo 16:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kuraŋgarira kwomŋoyo ndokwomunhu; Asi mhinduro yorurimi inobva kunaJehova. Nzira dzose dzomunhu unoti dzakanaka pakuʋona kwake; Asi Jehova unoyera mŋeya. Isa maɓasa ako ose kunaJehova, Ɀawakaraŋgarira ɀigoitika. Jehova wakaitira cinhu cimŋe necimŋe ɓasa raco; Ɀirokwaɀo kunyaŋge nowakaipa wakaitirwa zuʋa reɀakashata. Mumŋe nomumŋe, unomŋoyo unoɀikudza, unonyaŋgadza Jehova; Ɀirokwaɀo, haaŋgakoni kurobga. Ɀakaipa ɀinodzikinurwa nenyasha neɀokwaɗi; Nokutya Jehova ʋanhu ʋanobva paneɀakashata. Kana nzira dzomunhu dzicifadza Jehova, Unomuyananisira kunyaŋge namapfumo ake. Ɀirinani kuʋa neɀishoma nokururama, Pakuʋa nefuma zhinji nokusarurama. Mŋoyo womunhu unoɀifuŋgira nzira yake; Asi Jehova unorairira kufamba kwake. Miromo yamambo inotema ɀireʋo ɀaɀokwaɗi; Muromo wake hauŋgaposhi pakutoŋga. Ciyero necienzaniso, cisiŋganyeŋgeri, cinobva kunaJehova; Ɀiidzo ɀose ɀehomboɗo iɓasa rake. Ɀinonyaŋgadza kana madzimambo aciita ɀakaipa; Nokuti cigaro coʋushe cinosimbiswa nokururama. Madzimambo anofadzwa nemiromo yakarurama; Unotaura ɀinhu ɀakarurama unoɗikanwa naye. Kutsamŋa kwamambo kwakaita senhume dzorufu; Asi munhu wakacenjera unokunyaradza. Ʋupenyu ʋuri pakubginya kweciso camambo; Kana acifarira munhu ɀakaita segore remvura yokupedzisira. Kuwana ʋucenjeri kunokunda sei kuwana ndarama; Ɀirinani kutsaura kuwana njere pakuwana sirveri.
Zvirevo 16:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)