Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 14:19-35

Tsumo 14:19-35 SCLB

Vaipi vanogwadamira vakanaka, ndizvo zvinoita vakaipa pamisuo mikuru yavarurami. Varombo havadiwi kunyange nomuvakidzani navo asi mupfumi ane shamwari zhinji. Munhu anoshora mumwe wake mutadzi, akakomborerwa zvake munhu anoitira varombo tsiye nyoro. Ko havakanganise here vanhu vanoronga kuita zvakaipa? Vanoronga kuita zvakanaka vanowana mwoyochena nokutendeseka. Basa rose rose rine chimuko, asi kungotaura bedzi kunosvitsa pakushaiwa. Upfumi indaza yavachenjeri, asi upenzi indaza yamapenzi. Chapupu chechokwadi chinoponesa upenyu, asi munhu anoreva nhema mutengesi. Mukutya Tenzi mune chivimbo chakasimba, kana vana vakewo vanowana kwokupotera. Kutya Tenzi chisipiti choupenyu, kuitira kuti munhu anzvenge misungo yorufu. Kuwanda kwavanhu ndiyo mbiri yamambo ishe akashaya vanhu anoparara. Munhu asingakurumidzi kushatirwa munhu anonzwisisa, asi anokurumidza kushatirwa, anoita kuti upenzi huwande. Pfungwa dzikagadzikana, muviri unoita utano shungu dzomwoyo dzinoodza mapfupa. Anodzvinyirira murombo zvisina kunaka anoshora musiki wake, asi anoita tsiye nyoro kwaari anoremekedza musiki wake. Munhu wakaipa anoputsirwa pasi nouipi hwake, asi akarurama chitarisiro chake chiri mukuva pachokwadi. Ungwaru hunogara mupfungwa dzomunhu anonzwisisa, asi mumwoyo mebenzi hauzivikanwi. Ururami hunosimudzira rudzi asi chitadzo chinoshoresa rudzi. Muranda anoita zvino ungwaru anodiwa namambo asi anoita zvinonyadzisa anomuvirukira nehasha.

Verenga chikamu Tsumo 14