Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 14:19-35

Zvirevo 14:19-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Vanhu vakaipa vachagwadama pamberi pavakanaka, uye vakaipa pamasuo avakarurama. Varombo vanoraswa kunyange navavakidzani vavo, asi vapfumi vane shamwari zhinji. Uyo anozvidza muvakidzani wake anotadza, asi akaropafadzwa ane tsitsi kune vanoshayiwa. Ko, vanoronga zvakaipa havarasiki here? Asi avo vanoronga zvakanaka vanowana rudo nokutendeka. Kushanda nesimba kwose kunopa mubayiro, asi kungotaura kunotungamirira kuurombo bedzi. Upfumi hwavakachenjera ikorona yavo, asi upenzi hwamapenzi hunobereka upenzi. Chapupu chechokwadi chinoponesa upenyu, asi chapupu chenhema chinonyengera. Uyo anotya Jehovha ane nhare yakasimba, uye ichava utiziro kuvana vake. Kutya Jehovha ndicho chitubu choupenyu, kunodzora munhu kubva pamisungo yorufu. Mukuwanda kwavanhu ndimo mune ukuru hwamambo, asi pasina vanhu muchinda anoparadzwa. Munhu ane mwoyo murefu anonzwisisa, asi munhu anokurumidza kutsamwa anoratidza upenzi. Mwoyo wakagadzikana unopa upenyu kumuviri, asi ruchiva runoodza mapfupa. Uyo anomanikidza varombo anoratidza kuti anozvidza Musiki wavo, asi ani naani ane hanya nevanoshayiwa anokudza Mwari. Kana njodzi yauya, akaipa anowisirwa pasi, asi kunyange murufu akarurama ane utiziro. Uchenjeri hunogara mumwoyo yavanohunzvera uye kunyange pakati pamapenzi hunozvizivisa. Kururama kunosimudzira rudzi, asi chivi chinonyadzisa vanhu vapi zvavo. Mambo anofarira muranda akachenjera, asi muranda anonyadzisa achatsamwirwa naye.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 14

Zvirevo 14:19-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Vaipi vanogwadamira vakanaka, ndizvo zvinoita vakaipa pamisuo mikuru yavarurami. Varombo havadiwi kunyange nomuvakidzani navo asi mupfumi ane shamwari zhinji. Munhu anoshora mumwe wake mutadzi, akakomborerwa zvake munhu anoitira varombo tsiye nyoro. Ko havakanganise here vanhu vanoronga kuita zvakaipa? Vanoronga kuita zvakanaka vanowana mwoyochena nokutendeseka. Basa rose rose rine chimuko, asi kungotaura bedzi kunosvitsa pakushaiwa. Upfumi indaza yavachenjeri, asi upenzi indaza yamapenzi. Chapupu chechokwadi chinoponesa upenyu, asi munhu anoreva nhema mutengesi. Mukutya Tenzi mune chivimbo chakasimba, kana vana vakewo vanowana kwokupotera. Kutya Tenzi chisipiti choupenyu, kuitira kuti munhu anzvenge misungo yorufu. Kuwanda kwavanhu ndiyo mbiri yamambo ishe akashaya vanhu anoparara. Munhu asingakurumidzi kushatirwa munhu anonzwisisa, asi anokurumidza kushatirwa, anoita kuti upenzi huwande. Pfungwa dzikagadzikana, muviri unoita utano shungu dzomwoyo dzinoodza mapfupa. Anodzvinyirira murombo zvisina kunaka anoshora musiki wake, asi anoita tsiye nyoro kwaari anoremekedza musiki wake. Munhu wakaipa anoputsirwa pasi nouipi hwake, asi akarurama chitarisiro chake chiri mukuva pachokwadi. Ungwaru hunogara mupfungwa dzomunhu anonzwisisa, asi mumwoyo mebenzi hauzivikanwi. Ururami hunosimudzira rudzi asi chitadzo chinoshoresa rudzi. Muranda anoita zvino ungwaru anodiwa namambo asi anoita zvinonyadzisa anomuvirukira nehasha.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 14

Zvirevo 14:19-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)