Munhu anoda kudzidziswa anoda ruzivo asi asingadi kutsiurwa imhuka yomunhu. Munhu wakanaka anodiwa naTenzi asi munhu wohujarijari anomupa mhosva. Munhu haadziki midzi pamusana pouipi mudzi womururami haitipurwi. Mukadzi akarurama indaza kumurume wake asi mukadzi anonyadzisa akaita senhuta yamapfupa kumurume wake. Pfungwa dzavarurami dzakarurama mazano avaipi ndookunyengedza. Mazwi avakaipa ndookuuraya asi muromo womururami ndookununura. Vakaipi vakangoputsirwa pasi zvinobva zvavaperera asi musha womururami unoramba wakamira. Munhu anorumbidzwa pamusana pouchenjeri hwake asi munhu ane pfungwa dzakaminama anoshorwa. Zviri nani kuva munhu anoonekwa somunhuwo zvake asi achizviriritira pane munhu anozviita wapamusorosoro asi chokudya asina. Akarurama ane hanya noupenyu hwezvipfuo zvake asi akaipa chaanoti tsiye nyoro utsinye. Munhu anorima munda wake anowana chokudya chakawanda asi munhu anotandana nezvisina maturo kushaya musoro. Muipi anochochora chinobatwa nemambure avaipi asi mudzi womururami unoita muchero. Munhu akaipa anozviteya nomuromo wake asi akarurama anopunyuka nhamo. Munhu anogutiswa nezvakanaka, uri muchero wezvinobva pamuromo pake uye munhu achadzorerwa zvaakaita namaoko ake.
Verenga chikamu Tsumo 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Tsumo 12:1-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo