Zvirevo 12:1-14
Zvirevo 12:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ani naani anofarira kuzvirovedza anoda zivo, asi uyo anovenga kudzorwa ibenzi. Munhu akanaka anowana nyasha kubva kuna Jehovha, asi Jehovha anotuka munhu ane mano akaipa. Munhu haangasimbiswi nezvakaipa, asi mudzi womunhu akarurama haungadzurwi. Mudzimai ane unhu hwakanaka ikorona kumurume wake, asi mudzimai anonyadzisa akafanana nokuora mumapfupa omurume wake. Urongwa hwomunhu akarurama hwakarurama, asi kurayira kwavakaipa kunonyengera. Mashoko owakaipa anovandira ropa, asi kutaura kwavakarurama kunovanunura. Vanhu vakaipa vanobviswa pachigaro uye havazovapozve, asi imba yowakarurama icharamba yakasimba. Munhu anorumbidzwa maererano nouchenjeri hwake, asi vanhu vane pfungwa dzakatsauka vanozvidzwa. Zviri nani kuva munhu anoninipiswa asi iwe une muranda, pane kuzviita munhu wapamusoro iwe usina zvokudya. Munhu akarurama ane hanya nechipfuwo chake, asi zviito zvakanaka zvowakaipa utsinye. Uyo anoshanda mumunda wake achava nezvokudya zvakawanda, asi uyo anongotevera zvisina maturo anoshayiwa zivo. Vakaipa vanopanga zvakapambwa zvavanhu vakaipa, asi mudzi woakarurama unobereka zvibereko. Munhu akaipa anobatwa nokutaura kwake kwakaipa, asi munhu akarurama anopunyuka padambudziko. Kubva pazvibereko zvemiromo yake munhu anozadzwa nezvinhu zvakanaka, zvirokwazvo sokupiwa mubayiro kwaanoitwa nebasa ramaoko ake.
Zvirevo 12:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Anoda kurairirwa, anoda zivo; Asi anovenga kurairwa ibenzi. Munhu akanaka achawana nyasha kuna Jehovha, Asi achapa mhosva munhu ana mano akaipa. Munhu haangasimbiswi nezvakaipa; Asi mudzi wowakarurama haungazununguswi. Mukadzi anoita zvakanaka, ikorona yomurume wake; Asi anonyadzisa, wakaita sezvakaora pamapfupa ake. Mifungo yowakarurama yakarurama; Asi mano avakaipa anonyengedzera. Mashoko avakaipa ndookuvandira ropa; Asi muromo wavakarurama uchavarwira. Vanhu vakaipa vanotsindikirwa, havachipo; Asi imba yavakarurama icharamba imire. Munhu acharumbidzwa zvakaenzana nouchenjeri hwake; Asi ane mwoyo akatsauka, achazvidzwa. Munhu anoninipiswa, ane muranda hake, Anopfuura anozvikudza, asina zvokudya. Akarurama ane hanya noupenyu hwechipfuwo chake; Asi tsitsi dzowakaipa ihasha. Anorima munda wake, achava nezvokudya zvizhinji; Asi anotevera zvisina maturo, anoshaiwa njere. Akaipa anopanga zvaangapamba kuna vakashata; Asi mudzi wavakaipa unobereka zvibereko. Pakudarika kwemiromo panomusungo wavakaipa; Asi akarurama achabuda panhamo. Munhu achagutiswa nezvakanaka zvinobva pazvibereko zvomuromo wake; Uye munhu achadzoserwa zvaakaita namaoko ake.
Zvirevo 12:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu anoda kudzidziswa anoda ruzivo asi asingadi kutsiurwa imhuka yomunhu. Munhu wakanaka anodiwa naTenzi asi munhu wohujarijari anomupa mhosva. Munhu haadziki midzi pamusana pouipi mudzi womururami haitipurwi. Mukadzi akarurama indaza kumurume wake asi mukadzi anonyadzisa akaita senhuta yamapfupa kumurume wake. Pfungwa dzavarurami dzakarurama mazano avaipi ndookunyengedza. Mazwi avakaipa ndookuuraya asi muromo womururami ndookununura. Vakaipi vakangoputsirwa pasi zvinobva zvavaperera asi musha womururami unoramba wakamira. Munhu anorumbidzwa pamusana pouchenjeri hwake asi munhu ane pfungwa dzakaminama anoshorwa. Zviri nani kuva munhu anoonekwa somunhuwo zvake asi achizviriritira pane munhu anozviita wapamusorosoro asi chokudya asina. Akarurama ane hanya noupenyu hwezvipfuo zvake asi akaipa chaanoti tsiye nyoro utsinye. Munhu anorima munda wake anowana chokudya chakawanda asi munhu anotandana nezvisina maturo kushaya musoro. Muipi anochochora chinobatwa nemambure avaipi asi mudzi womururami unoita muchero. Munhu akaipa anozviteya nomuromo wake asi akarurama anopunyuka nhamo. Munhu anogutiswa nezvakanaka, uri muchero wezvinobva pamuromo pake uye munhu achadzorerwa zvaakaita namaoko ake.
Zvirevo 12:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unoɗa kurairirwa, unoɗa ziʋo; Asi unoʋeŋga kurairwa iɓenzi. Munhu wakanaka ucawana nyasha kunaJehova; Asi ucapa mhoȿa munhu unamano akaipa. Munhu haaŋgasimbiswi neɀakaipa; Asi mudzi wowakarurama hauŋgazunuŋguswi. Mukadzi unoita ɀakanaka, ikorona yomurume wake; Asi unonyadzisa, wakaita seɀakaʋora pamafupa ake. Mifuŋgo yowakarurama yakarurama; Asi mano aʋakaipa anonyeŋgedzera. Mashoko aʋakaipa ndookuʋandira ropa; Asi muromo waʋakarurama ucaʋarwira. Ʋanhu ʋakaipa ʋanotsindikirwa, haʋaci’po; Asi imba yaʋakarurama icaramba imire. Munhu ucarumbidzwa ɀakaenzana noʋucenjeri bgake; Asi unomŋoyo wakatsauka, ucaɀidzwa. Munhu unoninipiswa, anomuranda hake, Unopfuʋura unoɀikudza, asineɀokudya. Wakarurama unehanya noʋupenyu bgecipfuwo cake; Asi tsitsi dzowakaipa ihasha. Unorima munda wake, ucaʋa neɀokudya ɀizhinji; Asi unoteʋera ɀisinamaturo, unoshaiwa njere. Wakaipa unopaŋga ɀaaŋgapamba kunaʋakashata; Asi mudzi waʋakaipa unoɓereka ɀiɓereko. Pakuɗarika kwemiromo panomusuŋgo waʋakaipa; Asi wakarurama ucaɓuɗa panhamo. Munhu ucagutiswa neɀakanaka ɀinobva paɀiɓereko ɀomuromo wake; Ʋuye munhu ucadzoserwa ɀaakaita namaʋoko ake.
Zvirevo 12:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)