Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀireʋo 12:1-14

Ɀireʋo 12:1-14 SUB1949

Unoɗa kurairirwa, unoɗa ziʋo; Asi unoʋeŋga kurairwa iɓenzi. Munhu wakanaka ucawana nyasha kunaJehova; Asi ucapa mhoȿa munhu unamano akaipa. Munhu haaŋgasimbiswi neɀakaipa; Asi mudzi wowakarurama hauŋgazunuŋguswi. Mukadzi unoita ɀakanaka, ikorona yomurume wake; Asi unonyadzisa, wakaita seɀakaʋora pamafupa ake. Mifuŋgo yowakarurama yakarurama; Asi mano aʋakaipa anonyeŋgedzera. Mashoko aʋakaipa ndookuʋandira ropa; Asi muromo waʋakarurama ucaʋarwira. Ʋanhu ʋakaipa ʋanotsindikirwa, haʋaci’po; Asi imba yaʋakarurama icaramba imire. Munhu ucarumbidzwa ɀakaenzana noʋucenjeri bgake; Asi unomŋoyo wakatsauka, ucaɀidzwa. Munhu unoninipiswa, anomuranda hake, Unopfuʋura unoɀikudza, asineɀokudya. Wakarurama unehanya noʋupenyu bgecipfuwo cake; Asi tsitsi dzowakaipa ihasha. Unorima munda wake, ucaʋa neɀokudya ɀizhinji; Asi unoteʋera ɀisinamaturo, unoshaiwa njere. Wakaipa unopaŋga ɀaaŋgapamba kunaʋakashata; Asi mudzi waʋakaipa unoɓereka ɀiɓereko. Pakuɗarika kwemiromo panomusuŋgo waʋakaipa; Asi wakarurama ucaɓuɗa panhamo. Munhu ucagutiswa neɀakanaka ɀinobva paɀiɓereko ɀomuromo wake; Ʋuye munhu ucadzoserwa ɀaakaita namaʋoko ake.