Ndini Pauro naTimoti varanda vaKristu Jesu ndinokunyorerai imi mose vatsvene muna Kristu Jesu vari kuFiripi namabhishopi namadhikoni. Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu ngavakuitirei nyasha vakupei rugare. Ndinotenda Mwari wangu pose pandinokufungai uye nguva dzose pose pandinokunamatirai mose, ndichikunamatirai nomufaro ndichitenda Mwari norubatsiro rwenyu muShoko Rakanaka, kubvira pazuva rokutanga kusvikira pari nhasi. Ndine chokwadi chokuti iye akatangisa basa iri rakanaka mamuri, acharipedzisa pazuva raKristu Jesu. Munogara muri mumwoyo mangu mose zvenyu. Naizvozvo zviri pamwerowo kuti ndifunge kudai nezvenyu nokuti tinogoverana nyasha muusungwa hwangu uye mukurwira kusimbisa Shoko Rakanaka. Mwari angatondipupurirawo kuti ndinokusuwai sei mose ndiine rudo runa Kristu Jesu. Chandinokunamatirai ndechokuti dai rudo rwenyu rwangoramba rwuchifashukira kuwanda muine ruzivo nechipo chokugona kuona zvinhu nemazvo kuti mukwanise kusarudza chakanakisisa uye kuti muve vatsvene vasina chinoshoreka pamuri pazuva raKristu, makazadzwa nemichero yoururami inouya nokuna Jesu Kristu zvichipa mbiri norukudzo kuna Mwari.
Verenga chikamu Vafiripi 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vafiripi 1:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
YouVersion inoshandisa macookies kugadzirisa mashandisiro ako. Nekushandisa webhusaiti yedu, unobvuma kushandisa kwedu macookies sekutsanangurwa kwazvakaitwa mu Mutemo wedu weZvakavanzika
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo