Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vose muna Kristu Jesu, vari muFiripi, navatariri navaranda vesangano: Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari, Baba vedu, naIshe Jesu Kristu. Ndinovonga Mwari wangu nguva imwe neimwe kana ndichikufungai, ndichikumbira nomufaro nguva dzose pakukumbira kwangu kwose, pamusoro penyu mose nokuda kwokusangana kwenyu paVhangeri kubva pazuva rokutanga kusvikira zvino; ndichiziva chinhu ichi, kuti iye akatanga basa rakanaka mukati menyu, acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu; sezvazvakanaka kwandiri kuti ndifunge saizvozvo pamusoro penyu mose, zvandinokurangarirai mumwoyo mangu, nokuti pakusungwa kwangu napakudavirira nokusimbisa Vhangeri, imi makagoverwa nyasha pamwechete neni. Nokuti Mwari chapupu changu kuti ndinokushuvai mose zvikuru netsitsi dzaKristu Jesu. Ndizvo zvandinonyengetera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchingowanda pakuziva nokunzwisisa kwose; kuti muedze muzive kuti zvinhu zvakanaka ndezvipi, kuti muve vakarurama, vasina mhosva, kusvikira pazuva raKristu; muzere nechibereko chokururama, chinouya naJesu Kristu, kuti ave nokubwinya nokurumbidzwa.
Verenga chikamu VaFiripi 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaFiripi 1:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
YouVersion inoshandisa macookies kugadzirisa mashandisiro ako. Nekushandisa webhusaiti yedu, unobvuma kushandisa kwedu macookies sekutsanangurwa kwazvakaitwa mu Mutemo wedu weZvakavanzika
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo