Denda riya rakati rapera, Tenzi akazotaurira Mosesi naEreazari mwanakomana womupristi Aroni achiti, “Verengai gungano rose ravaIsiraeri vanhurume vana makore makumi maviri, navane anopfuura iwayo, verengai dzinza nedzinza vaIsiraeri vose vanokwanisa kuenda kuhondo.” Mosesi nomupristi Ereazari vakandotaurirana navanhu kumapani eMoabhu mhiri kwaJorodhani paJeriko vachiti, vaverenge vanhurume vana makore makumi maviri navana anopfuura iwayo, sokuudzwa kwakaita Mosesi naTenzi. VaIsiraeri vakabuda kuIjipiti vaiti: mudzinza raRubheni, dangwe raJakobho maiva nemhuri dzavanakomana vake vaiti: mhuri yokwaHanoki tateguru wayo ari Hanoki, mhuri yokwaParu, tateguru wayo ari Paru, mhuri yokwaHezironi tateguru wayo ari Hezironi, mhuri yokwaKarumi tateguru wayo ari Karumi. Vose vakaverengwa mudzinza raRubheni, vaikwana makumi mana ezviuru nezviuru zvitatu namazana manomwe ana makumi matatu avanhu. Mwanakomana waParu aiva Eriabhu. Vanakomana vaEriabhu vaiva Nemueri naDhatani naAbhiramu. Ndivo Dhatani naAbhiramu vatungamiriri vaya vakanga vasarudzwa mugungano ravaIsiraeri. Asi vakazopikisana naMosesi naAroni, vakaita rimwe naKora paya pavakapikisa Tenzi. Ndipo pakashama nyika muromo wayo ikavamedza pamwechete naKora neboka rake, pakaparadzwa varume mazana maviri anamakumi mashanu, chikava chiratidzo chokuyambira vanhu. Asi vana vaKora havana kuurayiwa.
Mudzinza rokwaSimeoni makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaNemueri tateguru wayo ari Nemueri, mhuri yokwaJamini tateguru wayo vari Jamini, mhuri yokwaJakini tateguru wayo ari Jakini, mhuri yaZera tateguru wayo ari Zera, mhuri yaShauri tateguru wayo ari Shauri. Vose vakaverengwa mudzinza rokwaSimeoni, vaikwana makumi maviri ezviuru nezviuru zviviri namazana maviri.
Mudzinza rokwaGadhi makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaZefoni tateguru wayo ari Zefoni, mhuri yaHagi tateguru wayo ari Hagi, mhuri yaShuni tateguru wayo ari Shuni, mhuri yaOzini tateguru wayo ari Ozini, mhuri yaEri tateguru wayo ari Eri, mhuri yaArodhi tateguru wayo ari Arodhi, mhuri yaAreri tateguru vayo vari Areri. Vose vakaverengwa mudzinza rokwaGadhi, vaikwana makumi mana ezviuru namazana mashanu avanhu.
Judha aivawo navanakomana vainzi Eri naOnani, asi vakanga vatofa kare munyika yeKanani. Saka vakaverengwa mudzinza rokwaJudha mhuri nemhuri, ndevemhuri yaShera tateguru wayo ari Shera, mhuri yaPerezi tateguru wayo ari Perezi, mhuri yaZera tateguru wayo ari Zera. Vanakomana vaPerezi nemhuri dzavo ndivo ava vanoti; mhuri yaHezironi tateguru wayo ari Hezironi, mhuri yokwaHamuri tateguru wayo ari Hamuri. Vose vakaverengwa mudzinza rokwaJudha vaikwana makumi manomwe ezviuru nezviuru zvitanhatu namazana mashanu avanhu.
Mudzinza rokwaIsakari makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaTora tateguru wayo ari Tora, mhuri yokwaPuni tateguru wayo ari Puvha, mhuri yokwaJashubhi tateguru wayo ari Jashubhi, mhuri yokwaShimuroni tateguru wayo ari Shimuroni. Vose vakaverengwa mudzinza rokwaIsakari vaikwana makumi matanhatu ezviuru nezviuru zvina, namazana matatu avanhu.
Mudzinza rokwaZebhuroni makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaSeredhi tateguru wayo ari Seredhi, mhuri yokwaEroni tateguru wayo ari Eroni, mhuri yokwaJareeri tateguru wayo ari Jareeeri. Vose vakaverengwa mudzinza rokwaZebhuroni vaikwana makumi matanhatu ezviuru, namazana mashanu avanhu.
Mudzinza rokwaJosefi makaverengwa mhuri nemhuri, dzaManase nedzaEfuremu. Mumhuri dzokwaManase kwaiti mhuri yokwaMakiri tateguru wayo ari Makiri. Makiri ndiye baba vaGiriadhi. Mhuri yokwaGiriadhi tateguru vayo ndiGiriadhi. Giriadhi akavawo navanakomana vake nemhuri dzavo dzinoti mhuri yokwaJezeri tateguru wayo ari Jezeri, mhuri yokwaHereki tateguru wayo ari Hereki, mhuri yokwaAsirieri tateguru wayo ari Asirieri, mhuri yokwaShikemu tateguru wayo ari Shekemu, mhuri yokwaShemidha tateguru wayo ari Shemidha, mhuri yokwaHeferi tateguru wayo ari Heferi. Asi Zerofehadhi mwanakomana waHeferi akanga asina vanakomana, asi aiva navanasikana. Vanasikana vaZerofehadhi vainzi Mahira naNowa naHogira naMirika naTiriza. Vose vakaverengwa mudzinza raManase vaikwana makumi mashanu ezviuru nezviuru zviviri, namazana manomwe avanhu.
Mudzinza rokwaEfuremu makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaShutera tateguru wayo ari Shutera, mhuri yokwaBhekeri tateguru wayo ari Bhekeri, mhuri yokwaTahani tateguru wayo ari Tahani. Shutera ndiye baba waErani tateguru wemhuri yavaErani. Vose vakaverengwa mumhuri yaEfuremu vaikwana makumi matatu ezviuru nezviuru zviviri, namazana mashanu. Ivava ndivo vomudzinza rokwaJosefi vakaverengwa mhuri nemhuri.
Mudzinza rokwaBhenjamini makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaBhera tateguru wayo ari Bhera, mhuri yokwaAshibheri tateguru wayo ari Ashibheri, mhuri yokwaAhiramu tateguru wayo ari Ahiramu, mhuri yokwaShefufamu tateguru wayo ari Shefufamu, mhuri yokwaHufamu tateguru wayo ari Hufamu. Vanakomana vaBhera ndiAridhi naNaamani. Mhuri yakwaAridhi tateguru wayo ndiAridhi, mhuri yokwaNaamani tateguru wayo ndiNaamani. Vose vakaverengwa mhuri nemhuri mudzinza rokwaBhenjamini vaikwana makumi mana ezviuru nezviuru zvishanu, namazana matanhatu.
Mudzinza raDhani makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaShuhamu tateguru wayo ari Shuhamu. Ndidzo mhuri dzomudzinza rokwaDhani dzakaverengwa mhuri nemhuri. Vanhu vakaverengwa vose mhuri nemhuri dzokwaShuhamu vakakwana makumi matanhatu ezviuru nezviuru zvina, namazana mana.
Mudzinza raAsheri makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaImuna tateguru wayo ari Imuna, mhuri yokwaIshivhi tateguru wayo ari Ishivhi, mhuri yaBheria tateguru wayo ari Bheria. Bheria ndiye tateguru waHebheri naMarikieri, mhuri yokwaHebheri tateguru wayo ari Hebheri, mhuri yaMarikieri tateguru wayo ari Marikieri. Zita romwanasikana waAsheri rainzi Sera. Ndidzo mhuri dzomudzinza raAsheri, vose vakaverengwa vakakwana makumi mashanu ezviuru nezviuru zvitatu, namazana mana avanhu.
Mudzinza rokwaNafutari makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaJahizeeri tateguru wayo ari Jahizeeri, mhuri yaGuni tateguru wayo ari Guni, mhuri yokwaJezeri tateguru wayo ari Jezeri, mhuri yokwaShiremu tateguru wayo ari Shiremu. Idzodzi ndidzo mhuri dzomudzinza rokwaNafutari, vose vakaverengwa vakakwana makumi mana ezviuru nezviuru zvishanu, namazana mana avanhu.
Uhu ndiwo uwandi hwavaIsiraeri vakaverengwa. Vakakwana mazana matanhatu ezviuru nechiuru chimwechete, chine mazana manomwe namakumi matatu avanhu.