Zvino denda rakati rapfuura, Jehovha akataura naMosesi naEreazari, mwanakomana womupristi Aroni, akati, “Verengai vanhu vose vaIsiraeri, vana makore ana makumi maviri navanopfuura, nedzimba dzamadzibaba avo, vose vanogona kuenda kuhondo pakati paIsiraeri.” Mosesi naEreazari mupristi vakataura navo pamapani aMoabhu, paJorodhani paJeriko, vakati, “Verengai vanhu vana makore ana makumi maviri navanopfuura; Jehovha sezvakaraira Mosesi navana vaIsiraeri, vakabuda panyika yeIjipiti.”
Rubheni ndiye aiva mwanakomana wedangwe waIsiraeri; vanakomana vaRubheni ndivo: Hanoki, kwakabva mhuri yavaHanoki; naParu, kwakabva mhuri yavaParu. NaHezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi; naKarimi, kwakabva mhuri yavaKarimi. Ndidzo mhuri dzavaRubheni: Vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvitatu, namazana manomwe namakumi matatu. Vanakomana vaParu vaiva Eriabhu; navanakomana vaEriabhu, Nemueri naDhatani naAbhiramu; Dhatani naAbhiramu ndivo vakanga vadanwa kumakurukota, vakarwa naMosesi naAroni paboka raKora, nguva yavakarwa naJehovha, nyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza pamwechete naKora musi wakafa boka iro; nguva iyo moto ukaparadza varume vana mazana maviri namakumi mashanu, vakaitwa chiratidzo. Asi vanakomana vaKora havana kufa.
Ava ndivo vanakomana vaSimeoni, nemhuri dzavo: Nemueri, kwakabva mhuri yavaNemueri, naJamini, kwakabva mhuri yavaJamini, naJakini, kwakabva mhuri yavaJakini; naZera, kwakabva mhuri yavaZera; naShauri, kwakabva mhuri yavaShauri. Ndidzo mhuri dzavaSimeoni, vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana maviri.
Ava ndivo vanakomana vaGadhi nemhuri dzavo: Zefoni, kwakabva mhuri yavaZefoni; naHagi, kwakabva mhuri yavaHagi; naShuni, kwakabva mhuri yavaShuni; naOzini, kwakabva mhuri yavaOzini; naEri, kwakabva mhuri yavaEri; naArodhi, kwakabva mhuri yavaArodhi; naAreri, kwakabva mhuri yavaAreri. Ndidzo mhuri dzavanakomana vaGadhi; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana namazana mashanu.
Ava ndivo vanakomana vaJudha: Eri naOnani; asi Eri naOnani vakafira munyika yeKenani. Ndivo vanakomana vaJudha, nemhuri dzavo: Shera, kwakabva mhuri yavaShera; naPerezi kwakabva mhuri yavaPerezi; naZera, kwakabva mhuri yavaZera. Ndivo vanakomana vaPerezi: Hezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi; naHamuri, kwakabva mhuri yavaHamuri. Ndidzo mhuri dzaJudha; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi manomwe nezvitanhatu namazana mashanu.
Ava ndivo vanakomana vaIsakari, nemhuri dzavo: Tora, kwakabva mhuri yavaTora; naPuva, kwakabva mhuri yavaPuva; naJashubhi, kwakabva mhuri yavaJashubhi; naShimironi, kwakabva mhuri yavaShimironi. Ndidzo mhuri dzaIsakari; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezvina namazana matatu. Ava ndivo vanakomana vaZebhuruni, nemhuri dzavo: Seredhi, kwakabva mhuri yavaSeredhi; naEroni, kwakabva mhuri yavaEroni; naJareeri, kwakabva mhuri yavaJareeri. Ndidzo mhuri dzaZebhuruni; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu namazana mashanu.
Ava ndivo vanakomana vaJosefa, nemhuri dzavo: Manase naEfuremu. Ndivo vanakomana vaManase: Makiri, kwakabva mhuri yavaMakiri; Makiri wakabereka Gireadhi; kunaGireadhi kwakabva mhuri yavaGireadhi. Ndivo vanakomana vaGireadhi: Jezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri; naHereki, kwakabva mhuri yavaHereki; naAsirieri, kwakabva mhuri yavaAsirieri; naShekemu, kwakabva mhuri yavaShekemu; naShemidha, kwakabva mhuri yavaShemidha; naHeferi, kwakabva mhuri yavaHeferi. Asi Zerofehadhi, mwanakomana waHeferi, akanga asina vanakomana, asi vanasikana bedzi; mazita avanasikana vaZerofehadhi aiva Makira, naNoa, naHogira, naMirika, naTiriza. Ndidzo mhuri dzaManase; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezviviri namazana manomwe. Ava ndivo vanakomana vaEfuremu, nemhuri dzavo: Shutera, kwakabva mhuri yavaShutera; naBhekeri, kwakabva mhuri yavaBhekeri; naTahani, kwakabva mhuri yavaTahani. Ndivo vanakomana vaShutera: Erani, kwakabva mhuri yavaErani. Ndidzo mhuri dzavanakomana vaEfuremu; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezviviri, namazana mashanu. Ndivo vanakomana vaJosefa, nemhuri dzavo.
Ava ndivo vanakomana vaBhenjamini, nemhuri dzavo: Bhera, kwakabva mhuri yavaBhera; naAshibheri, kwakabva mhuri yavaAshibheri; naAhirami, kwakabva mhuri yavaAhirami; naShefufami, kwakabva mhuri yavaShufami; naHufami, kwakabva mhuri yavaHufami. Ndivo vanakomana vaBhera: Aridhi naNamani; kuna Aridhi kwakabva mhuri yavaAridhi; naNamani, kwakabva mhuri yavaNamani. Ndivo vanakomana vaBhenjamini, nemhuri dzavo; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana matanhatu.
Ava ndivo vanakomana vaDhani, nemhuri dzavo: Shuhami, kwakabva mhuri yavaShuhami. Ndivo vemhuri dzaDhani, nedzimba dzavo. Mhuri dzose dzavaShuhami, vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezvina namazana mana.
Ava ndivo vanakomana vaAsheri, nemhuri dzavo: Imuna, kwakabva mhuri yavaImuna; naIshivhi, kwakabva mhuri yavaIshivhi; naBheria, kwakabva mhuri yavaBheria. Ndivo vanakomana vaBheria: Hebheri, kwakabva mhuri yavaHebheri; naMakieri, kwakabva mhuri yavaMakieri. Zita romwanasikana waAsheri rakanga riri Sera. Ndidzo mhuri dzaAsheri; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvitanhatu namazana mana.
Ava ndivo vanakomana vaNafutari, nemhuri dzavo: Jazeeri, kwakabva mhuri yavaJazeri; naGuni, kwakabva mhuri yavaGuni; naJezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri; naShiremi, kwakabva mhuri yavaShiremi. Ndidzo mhuri dzaNafutari, nemhuri dzavo; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana mana.
Ndivo vakaverengwa kuvana vaIsiraeri, vakasvika zviuru zvina mazana matanhatu nechiuru chimwe namazana manomwe namakumi matatu.